Accessibility links

Breaking News

Dynamos Inodzikira muGungano rePSL, Panguva Iyo FC Platinum Iri Kutiza neMukombe


Chikwata cheDynamos chaderera zvinoptyisa mugungano reCastle Lager Premier Soccer League panguva iyo FC Platinum iri pamusoro.
Chikwata cheDynamos chaderera zvinoptyisa mugungano reCastle Lager Premier Soccer League panguva iyo FC Platinum iri pamusoro.

Chikwata che Dynamos chatarisana nekubuda mugungano reCastle Lager Premier Soccer League zvichitevera kurohwa kwachaitwa nhasi pamusha neHarare City. Izvi zviri kuitika panguva iyo Chikwata cheFC Platinum chabata mukombe we Castle Lager Premier Soccer Premier Soccer League neruoko rumwechete.

Kugona Kunenge Kudada yawedzera mapoinzi ayo iri pamusoro peNgezi Platinum Stars kusvika pamapoinzi mashanu kwasara mitambo minomwe chete kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.

Vanoziva zvemutambo wenhabvu vave kutoti mukombe wananga kuZvishavane zvekare mushure mekunge Kugona Kunenge Kudada yapamidzira mapoinzi ayo iri panyanga peCastle Lager Premier Soccer League kusvika pamapoinzi mashanu kubva pamapoinzi maviri.

Izvi zvinotevera kudambura kwayakaita Herentals pamusha neMugovera musi mumwecheteyo Ngeni Platinum yakashanya muHarare ndokurohwa 1-0 neYadah Stars.

Kugona Kunenge Kudada yave nemapoinzi makumi matanhatu nemaviri, Madamburo ichiramba iri pamapoinzi makumi mashanu nemanomwe zvichitevera kukundwa kwavo neYadah.

Zvikwata zviviri izvi zvichasangana mumutambo wazvo wekugumisira asi FC Platinum ichange iine mukana mukuru mumutambo uyu sezvo inenge iri pamusha, mushure mekukunda 3-1 mumutambo wavo wekutanga.

Asi vanoziva zvemutambo wenhabvu vakaita sava Hunty Mhondiwa vanoti semaonero ava mukombe uyu watoenda kuMandava kunyange hazvo pachiri nemitambo isati yatambwa.

Asi Platinum neNgezi dzinofanira kugadzirisa matambiro adzo ekunze kwemusha uko dziri kudonhedza mapoinzi akakosha kuzvikwata zvinotarisirwa sezvidiki.

Asi Chicken Inn kana kuti maGame Cocks ari kutarisira kuti Platinum neNgezi dzichatsvedza mitambo yave kunopera kuti ivo vatore mukombe uyu.

Chicken Inn haisi kutambisa mukana zvekuti Mugovera yakarova Bulawayo City 2-1, ndokudimbura mapoinzi ayakasiiwa nawo neNgezi kubva pamapoinzi gumi nemaviri kusvika pamapfumbamwe.

Muteveri weChicken Inn VaShepherd Saizi vachiri nechivimbo chekutora mukombe.

Asi kutatarika kweDynamos hakusi kupera mushure mekunge chikwata ichi nhasi masikati ano charohwa pamusha 1-0 neHarare City, izvo zviri kuchisiya chapinda pazvikwata zvakatarisana nekubuda mumakwikwi aya.

Mimwe mitambo yapera seizvi…

ZPC Kariba 2 Highlanders 0

Caps United 1 Shabanie Mine 1

Bulawayo Chiefs 0 Triangle 1

Black Rhinos 7 Mutare City Rovers 0

Chapungu 1 Nichrut 1

Parizvino, zvikwata zvina zviri pamusoro-soro ndeizvi..

FC Platinum 62 points

Ngezi Platinum Stars 57 points

Chicken Inn 48 points

Caps United 43 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi..

Nichrut 26 points

Mutare City Rovers 24 points

Shabanie Mine 17 points

Bulawayo City 15 points

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG