Accessibility links

Breaking News

Caps United, Dynamos neHighlanders Dzinobudirira Here muChibuku Super Cup?


Highlanders striker Kasimero Chimbadzwa shields the ball from Chicken Inn defender Divine Lunga.

Zvikwata zvine mukurumbira Caps United, Dynamos neHighlanders zvatarisana nenguva yakaoma mumitambo yemakota fainari .

Zvikwata izvi zviri kupinda munhandare mumakota fainari eChibuku Super Cup svondo rino zviine chinagwa chimwechete chekukunda nekufadza vatsigiri vanga vachingochema mwaka wese.

Makepekepe, Dembare neBosso, dzakatobuda kare mukurwira mukombe weligi zvekuti Chibuku Super Cup ndiyo yega yadzatarisana nayo kuti dziwane chekubata mwaka uno.

Dynamos, iyo ine murairidzi mutsva Lloyd Chigove, iri kusangana neHerentals muRufaro Stadium neSvondo mumutambo uyo inofanira kukunda kuti imbofarawo mushure mekusuwa kwenguva refu.

Vachatora mukombe uyu vanowana mari inoita iyo zviuru makumi manomwe nezvishanu zvemadhora.

VaWebster Marechera veDembare vanoti vari kuda mari iyi kuti vagadzirise zvinhu zvakavaomera.

Asi mitambo yemakwikwi aya iri kupfungaudza utsi neMugovera apo Highlanders iri munzira yakananga kuRufaro Stadium kuzosangana nechikwata chine mukombe uyu, Harare City.

Kubvira makundano aya atanga muna 2014, Harare City haisati yambotadza kusvika muma semi fainari uyezve pese painosanga neHighlanders muRufaro Stadium, inowanzokunda.

Asi mumwe muteveri weBosso, VaTinashe Munetsi, vanoti izvi zviri kupera neMugovera.

Caps United, iyo iri kuti rimwe zuva yabaka moto, rimwe zuva moto wacho wadzima, iri kutarisira kuti moto uyu uchabaka muAscot Stadium umo iri kusangana neChapungu neMugovera zvekare.

Mutevedzeri wemurairidzi wechikwata ichi, Fungai Kwashi, anotaura zvavakapakata

Mutambo pakati peTriangle neNichrut kuGibbo ndiwo uchavhara musuwo yemitambo yeChibuku Super Cup iyi.

Pamusoro pemadhora zviuru makumi manomwe nezvishanu, chikwata chinotora mukombe uyu chinomirira nyika zvekare mumakundano emuAfrica eCaf Confederation Cup.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG