Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veRugby nemaWarriors Vofarira Kukunda Kwakaita Zvikwata Zvavo


Kenya lors de la Coupe du Rugby African Gold 2018, qualific

Vatsigiri vemitambo muZimbabwe vari mumafaro mushure mekunge chikwata chavo cherugby chemaCheetahs chakatora mukombe weAfrica Cup mushure mekurova Kenya 17-5 panguva imwe cheteyo maWarriors akashanya ndokunorova Democratic Republic of Congo 2-1 mumutambo we 2019 Africa Cup of Nations kuKinshasa.

Kukunda uku kwapa maCheetahs mukana wekutamba kumakwikwi e 2018 eWorld Rugby Series ayo achasanganisirawo Dubai, Hong Kong nemaBlitzboks ekuSouth Africa kuCape Town.

Panguva imwecheteyo vatsigiri vemaWarriors vari mumberero zvekare mushure mekunge chikwata chavo chakaisa gumbo rimwechete muma 2019 Africa Cup of Nations finals varova Democratic Republic of Congo 2-1 kunze kwemusha.

Mapoinzi matatu avakatora asiya maWarriors ari pamusoro nemapoinzi manomwe kubva mumitambo mitatu vachiteverwa neDRC neCongo Brazzaville idzo dzine mapoinzi mana izvo zvasimudza mhemberero irikuramba kupera munyika.

Mubati wepagedhe wechikwata ichi Geoge Chigova anoti ari kufara zvikuru nekukunda kwavakaita achiwedzera kuti ane chishuwiro chekuti zvirambe zvakadaro.

Mumwe mutsigiri wemutambo wenhabvu waColin Dhivhara vanoti pamberi nemaWarriors.

MaWarriors nhasi manheru ari kusangana neDRC zvekare asi muNational Sports Stadium muHarare.

Vakakunda mumutambo uyu, Zimbabwe inenge yabudirira kuenda kuCameroon.

Aka kanenge kave kechipiri murairidzi wavo Sunday Chidzambwa achiendesa maWarriors kumafainari enhabvu emuAfrica aya mushure mekuita izvi kekutanga muna 2004.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG