Chikwata cheFC Platinum chatora zvakare mukombe weCastle Lager Premier Soccer league kwasara mitambo miviri kuti mwaka wenhabvu wegore rino upere
Izvi zvafadza zvikuru vagari vemuZvishavane avo vari kupemberera zvekare mushure mekudzokorora kwechikwata chavo kusimudza mukombe uyu makore maviri akateverana.
FC Platinum, iyo yanga ichingoda poindi imwechete mumutambo wavo neShabanie Mine, yatora mapoinzi ese matatu ndokuramba yakasiya Ngezi Platinum Stars nemapoinzi mapfumbamwe kwasara mitambo miviri chete kuti makundano aya apere.
FC Platinum yave nemapoinzi makumi manomwe nemana, Ngezi iine mapoinzi makumi matanhatu nemashanu.
Muteveri weFC Platinum VaTitus Goya vanoti zvanga zviri pachena kuti mukombe ndewavo.
Mumwe muteveri weKugona Kunenge Kudada Va Michael Musonza vanoti vave kutarisira makundano eCaf Champions League.
Mukutora mukombe uyu FC Platinum ichawana mari inoita iyo zviuru zana zvemadhora uyezve ichange ichimirira nyika muCaf Champions League muna 2019.
Asi chikwata cheNichrut chamira netambo mumakwikwi aya mushure mekurohwa 2-0 neHerentals muzuva iro vachiri kukwidzana navo veChapungu varohwawo 2-0 neZPC Kariba.
Zvikwata zviviri izvi zvakasiyana nemapoinzi mana chimwe chacho chichibatana ne Shabanie Mine, Bulawayo City ne Mutare City Rovers idzo dzakabuda kare muPSL.
Mitambo yakatambwa neMugovera yakabuda yakadai,
Chicken Inn 1 Black Rhinos 1
Yadah 0 Bulawayo City 1.
yatambwa Svondo yabudawo seizvi, Dynamos 0 Triangle 0
Highlanders 2 Harare City 0
Mutare City 0 Caps United 1
Ngezi 2 Bulawayo Chiefs 0
Facebook Forum