Accessibility links

Breaking News

Makundano eCastle Premier Soccer League Osvika kwaMvura Yacheka Makumbo


FC Platinum
FC Platinum

Makundano eCastle Lager Premier Soccer arikusvika kwamvura yacheka makumbo svondo rino asi pasina FC Platinum iyo yakatora mukombe wemwaka uno.

Mitambo yese iri kutambwa mangwana nenguva dzimwechete kuitira kuti zvikwata zvese zvipedze mitambo zuva rimwechete, nenguva dzimwechete, kuedza kudzivirira kutengwa kana kutengeswa kwemitambo izvo zvinofungirwa kuti zvinowanzoitika panguva ino.

Asi FC Platinum iyo yakatora mukombe uyu ichange isimo munhandare sezvo yakatamba mutambo wayo wekugumisira muBarbourfields Stadium neHighlanders neChitatu uyo wakapera uri mangange 0-0.

Asi izvi hazvisi kubvisa huremu mumitambo yekugumisira kwemwaka sezvo zvikwata zvese kusanganisira izvo zvakabuda muPSl zvirikuda kupedza makwikwi aya zvirimumafaro nekukunda.

Izvi ndizvo zviri kutarisirwa kuDynamos iyo yanga ichitatarika zvinotyisa mwaka wese irikuda kupa vatsigiri vayo chekupemberera mukupera kwemwaka apo yakananga kuAscot Stadium kuGweru kunosangana neNichrut iyo yakabuda muPSL..

Mutsigiri weDembare VaKudzai Bere vanoti varikuona vachitora mapoinzi ese matatu.

Asi mutambo uri kuratidza kuti uchange wakabaka moto unotyisa mutambo uri pakati peChicken Inn iyo iri pachinhanho chechitatu, ne Triangle iyo iri pachinzvimbo chechina.

Zvikwata izvi zvakasiyana nemapoinzi imwechete zvekuti vanokunda ndivo vanopedza vari pachinzvimbo chechitatu.

MaGame Cocks ane mapoinzi makumi mashanu nematanhatu, maSugar Sugar Boys aine mapoinzi makumi mshanu nemashanu.

Mutsigiri weChicken Inn VaCharles Masona vanoti ndivo varikupedza vari pachinzvimbo chechitatu,

Asi zvikwata izvi hazvikwanise kubata Ngezi Platinum Stars iyo ine mapoinzi makumi matanhatu nemashanu kunyange ikarohwa neBlack Rhinos muBaobab Stadium mangwana.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi …

Shabanie v Herentals

Yadah v Harare City

Caps United v Chapungu

Zvichakadaro, chikwata chenyika chemutambo wenetball chinodaidzwa kunzi maGems chiri mukamba kugadzirira makwikwi e 2019 World Cup ayo achaitirwa kuLiverpool, muEngland.

MaGems ayo akatanga ari kuMbare vabviswa ikoko kuiswa kuBelvedere Teachers College uko vachange vari kusvika vasimuka kuenda kumakundano epasi rese aya.

Aka ndiko kekutanga Zimbabwe ichibudirira kuenda kumakwikwi aya.

Muongorori wezvemitambo VaFarai Kambamura vanoti chikwata ichi chinokwanisa kunoita mashiripiti ndokunge chabatsirwa nemari mugadziriro yavo nehurumende.

Mitambo pamwechete netsika nevechidiki yakapihwa mari inoita iyo mamirioni makumi mashanu nematatu nezuro negurukota rezvemari vaMuthuli Ncube kuti vashandise.

Mutambo wenetball ndeumwe wemitambo iri kutambura nenyaya dzemari nekushaikwa kwemakambani ari kuisa mari mumitambo nemhaka yemamiriro akaita zvehupfumi munyika.

Zimbabwe iri mugungano rimwechete neAustralia, Northern Ireland, pamwe ne Sri Lanka.

South Africa, Malawi, neUganda dzichange dzakamirirawo Africa kumakundano aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG