Accessibility links

Breaking News

Vemitambo Vofarira Kirsty Coventry seGurukota Idzva reMitambo neVechidiki


Kirsty Coventry
Kirsty Coventry

Vemumhuri yemutambo vari kubvumirana kuti Muzvare Kirsty Coventry vanokodzera kubasa iri sezvo vachiziva nzira dzese dzemitambo zvekuti vachagadzirisa panga pasinga fambe zvakana.

Muzvare Coventry, avo vakatora menduru nhanhatu kumaOlympic Games, vapihwa basa iri nhasi masikati nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, apo vadoma makurukota enyika.

Mutambi wetsiva, Farai Mugoni, anoti basa iri ranga richida munhu akambopinda munhandare, munhu anoziva matambudziko evatambi zvekuti anofunga kuti Muzvare Coventry vanokodzera.

Aimbove shasha yeZimbabwe mutsiva zvekare muhuremu hweligh heavyweight neheavyweight, Arigoma Chiponda. anoti ari kufaranezvaitika izvi achiti ari kutarisira kuti Muzvare Coventry vachakandawo mumitambo vatungamiri vakambopindawo munhandare. Muongorori wemutambo, VaFarai Kambamura, vanoti kusarudzwa kwaMuzvare Coventry kuve nhengo yeInternational Olympic Committee kunoratidza kuti munhu ari kuziva zvaari kuita vachiwedzera ivo kuti Zimbabwe yakomborerwa nekupihwa kwake basa iri.

Mutambi we volleyball, Oliver Musongoro, anoti Muzvare Coventry vane ruzivo rwakadzama rezvemitambo zvichitevera kufamba kwavaita munyika dzakasiyana siyana zvekuti vari kuona pachiita shanduko sezvo vave panyanga.

Musongoro anoti afara nekuti paiswa munhu ari mumitambo kare. Muteveri wemitambo, VaKudzai Bere, vanoti zvinofadza kuti vatambi vakaita saMuzvare Coventry vatambidzwe mabasa akadai sekutendwa zvavakaitira nyika pasina mubhadharo.

Makore apfuura panga pachiita kugunununa kuti makurukuta ari kupihwa basa iri ari kuritadza sezvo anga asingazive zvemitambo.

Asi Muzvare Coventry vane basa guru rekuedza kusandura mafungiro evamwe vemuhurumende avo vasingakosheshe zvemitambo izvo zvanga zvichikonzera kuti mitambo isawane mari yakasimba kubva kuhurumende.

Pamusoro pekuve nhengo yeInternational Olympic Committee, Muzvare Coventry ndivo zvekare mutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Olympic Commiittee, basa raarikutarisirwa kusiya nezvaave ikozvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG