Chikwata cheChicken chavhundutsira kuti chirimowo mumakwikwi ekuda kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer.
Chicken Inn, iyo yakatora mukombe uyu muna 2015, uyezve iri pachinhanho chechitatu mwaka uno, iri pamusha neNgezi Platinum Stars iyo iri pachinhanho chechipiri kwasara mitambo gumi nemiviri kuti makundano aya asvike kwamvura yacheka makumbo.
Madamburo yakatungamira maGame Cocks nemapoinzi manomwe asi murairidzi weChicken Inn, Joey Antipas, anoti havasi kupa Madamburo ruremekedzo.
Muteveri weChicken Inn, VaShepherd Saizi, vanoti mapoinzi manomwe haana kunyanyowanda vachiti vari kurova Madamburo vachivimba kuti chikwata chiri pamusoro cheFC Platinum chichatsvedza ivo votora mukombe.
Asi Ngezi Platinum yacho haisi yekurovera kumba sezvo iri kupisa vatsigiri vavo vachitarisira kuti kaputeni wavo, Liberty Chakoroma, achaita semazuva ese uyezve kuti Donovan Benard haasi kuzosiya zvibodzwa zvichinaya.
Asi zvikwata zviviri izvi zvikaita mangange, FC Platinum, iyo iri kutungamira Ngezi nemapoinzi maviri, inokwanisa kuwedzera hutungamiri hwavo iri pamusoro apo iri pamba neChapungu iyo iri kutatarika.
Pari zvino, FC Platinum ine mapoinzi makumi mana nemapfumbamwe kubva mumitambo makumi maviri nemaviri.
Mushure memasvondo matatu vasina kupinda munhandare, Dynamos yadzoka muRufaro Stadium iine vatambi vatsva vakati wandei apo iri kuedza kubva pachinhanho chegumi nenhatu chairi pari zvino.
Mushure mekutenga Kingstone Nkhata naBrett Amidu, Dembare iri kutarisira shanduko kubva mumatambiro ayanga ichiita munharaunda yekutanga.
Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:
Mugovera
Nichrut v Highlanders
Herentals v Caps United
Black Rhinos v Bulawayo City
Svondo:
Mutare City Rovers v Shabanie Mine F
Bulawayo Chiefs v Harare City
Dynamos v ZPC Kariba F
Triangle United FC v Yadah
Zvichakadaro, makundano eBarclays Premier League ari kupinda musvondo rechipiri paine mutambo mukuru kuStamford Bridge uko Chelsea neArsenal dziri kubandana.
Arsenal haina kutanga zvakanaka apo yakarohwa 2-0 mumutambo wayo wekutanga neMan City asi iri kutarisira shanduko kubva mumutambo nechikwa cheChelsea.
Mimwe mitambo iriko ndeiyi:
Man City v Huddersfield
Brighton v Man U
Burnley v Watford
Leicester v Wolves
Cardiff v Newcastle
West Ham v Bournemouth
Everton v Southampton
Tottenham v Fulham
Facebook Forum