VeZifa Electoral Committee vavhura nguwani inofanira kukandwa mazita evanoda kukwikwidza kutora hutungamiri hwePremier Soccer League vachiti ivo kudomwa kwevatungamiri kwakamboitwa kwaive kusiri mugwara.
Vari kutungamira sarudzo dzevatungamiri venhabvu, veZifa Electoral Committee, vazivisa kuti vave kutambira mazita matsva kubva kuzvikwata zvemuPremier Soccer League kuti vanyorese vava rikuda kuti vatungamire sangano iri kwemakore mana anotevera.
Mugwaro ravabuditsa, sachigaro wekomiti iyi, VaVusi Vuma, vanoti vari kupa zvikwata kusvika musi wa 3 Nyamavhuvhu kuti vanyorese vatungamiri vavo vachiti ivo sarudzo yacho ichazoitwa musi wa 9 Gunyana.
Sarudzo iyi yaifanira kuve yakaitwa nemusi weMugovera uchangodarika asi ikamiswa mushure mekunge veZifa Electoral Commiittee vati vainge vasina kufadzwa nekudomwa kwemutungamiri weCaps United, VaFarai Jere, avo vanga vari vega pachigaro chasachigaro.
Komiti iyi inoti yakaona kudomwa kwaVaJere kusina kuitwa negwara kwaro, izvo zvakavamanikidza kuti vatangise patsva nzira yesarudzo iyi.
Vanoziva zviri kuitika vanoti VaJere vakadomwa nedzimwe nhengo dzemuZifa Board kwete nezvikwata zvemugungano remuPremier Soccer League sezviri pamutemo.
Achasarudzwa kutungamira PSL, achatora basa rakasiiwa naVaKeni Mubaiwa avo vakasiya basa kuDynamos uyezve achange ari nhengo zvekare yeZifa Board.
Mapazi ese anhabvu muZimbabwe gore rino ari kusarudza vatungamiri vatsva asi aimbove kaputeni nemurairidzi wemaWarriors Misheck Chidzambwa anoti mhuri yenhabvu inofanira kusiya tsika yekusarudza vanhu vane mari ichisiya vane ruzivo rwenhabvu.
Aimbove mubati wepembe muPremier Soccer League, VaSam Hamandawana, vanoti nhabvu yave kuda kutungamirwa nevanhu vakamborairidza zvikwata, vakambotamba nhabvu kana vakambobata pembe, kwete munhu wese wese.
Sarudzo yevatungamiri veZifa ndiyo ichapedzisira kuitwa musi wa 1 Zvita.
Facebook Forum