Zimbabwe inopihwa neWorld Health Organization nhumbi dzekudzivirira vashandi vemuzvipatara panguva iyo chirwere cheCoronavirus chatekeshera pasi rose.
Dare reSupreme Court rinomisa kupa mutongo waro mushure mekunzwa chikumbiro chaVaLast Maengahama chekuti dare iri rirase mutongo wedare repamusoro rakawana VaMaengahama nevamwe vavo vaine chekuita nekupondwa kwakaitwa mumwe mupurisa, VaPetros Mutedza, mumusha weGlen View muna 2011.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reWuhan muChina muzvare Blessing Chirima vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kwavari sezvo zvekudya nezvimwe zvekushandisa zvave kudhura.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevaimbova gurukora rezvemari VaPartick Chinamasa vozorwawo madhaka panyaya yemari inonzi haina kufambiswa zvakanaka neGrain Millers Association of Zimbabwe.
Vechidiki vaviri veMDC, VaMakomborero Haruzivishe naVaAllan Moyo, avo vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuratidzira zviri kunze kwemutemo, vanopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora emari yemunyika.
Hurumende inokoka vanoda marezinesi ekutepfenyura mumatunhu nemuzvikoro zvepamusoro soro kuti vauye kuzonyoresa.
Mumiriri weEU muZimbabwe VaTimo Olkkonen vanojekesa kuti hapana zvachinja panyaya yezvirango pamutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vachiti Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu.
America iri kucherechedza vatungamiri venyika iyi nemabasa avakaita mukukurudzira hutongo hwejechetere.
Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti Zimbabwe haisi kuzobatabata mari dzinobva kunze kwenyika uye vari kurwisa kudzikisa kukwira kwemitengo yezvinhu.
Mutevedzeri wasachigaro muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanowanikwa vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Zimbabwe inocherechedza zuva reWorld Radio Day nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzichiti hurumende haisi kukoshesa kusununguka kwenhepfenyuro dzakazvimirira idzo dzinova shoma zvikuru zvichienzaniswa nezviri kuitika kune dzimwe nyika.
Dare remakurukota rotarisirwa kubuda nezvisungo zvekutevedza mumusangano waro wanhasi uyo uchiri kuzeya nyaya dzakawanda dzinobata nyika.
Mvura yakanayisa zvakanyanya kuBinga inoparadza misha yevanhu vakawanda mudunhu iri, uye mhuri dzinodarika makumi maviri dzakatarisana nedambudziko iri dzava kutobatsirwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vaudza musangano weAfrican Union kuAddis Ababa, kuEthiopia, kuti kutaurirana ndiko chete kunounza runyararo nekushanda pamwe munyika, kwete zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nevekumadokero.
Dare reSenate remu America rakawana neChina mutungamiri wenyika iyi, Va Donald Trump, vasina mhosva pamhosva mbiri dzavanga vachipomerwa.
China inozivisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza kuChina hazvisi munjodzi yechirwere che Corona Virus icho chauraya vanhu vanodarika mazana mashanu, zvikuru kuChina kwakare
Zanu PF inomisa kwegore rimwe chete nhengo dzayo dzechidiki, VaLewis Matutu naVaGodfrey Tsenengamu, zvichitevera kupomera huori kwakaita vaviri ava vamwe vakuru vakuru muZanu PF kusanganisira mukuru weSakunda Holdings, VaKudakwashe Tagwireyi.
Komiti yeparamende inoona nezvehutano inoshanyira zvipatara zveParirenyatwa neSally Mugabe ichiona mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvehurumende uko inoudzwa kuti michina yakabva kuIndia iri pachipatara cheSally Mugabe haisi kushanda.
Vatungamiri veZanu PF Youth League vanodoma VaBilly Rauntebach, VaTafadzwa Musarara naVaKuda Tagwirei sevanhu vari kuita huwori hwakanyanya munyika.
Mapurisa anorambidza mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuparura chirongwa chavo chekuchenesa nzvimbo dziri muChitungwiza.
Rodhai zvimwe