Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 17, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Sangano reEuropean Union nhasi rabvisa zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende rikawedzera zvirango izvi kukambani yehurumende yeZimbabwe Defense Industries negore rimwe chete zvichitevera kuurayiwa kunonzi kwakaitwa vanhu nemasoja mukuratidzira kwakaitika munyika muna 2018.

Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti Zimbabwe haisi kuzobatabata mari dzinobva kunze kwenyika uye vari kurwisa kudzikisa kukwira kwemitengo yezvinhu.

Dzimwe nhengo dzeMDC muMasvingo dzotiza misha yadzo dzichihwanda mapurisa, ayo anonzi ari kuda kudzisunga zvichitevera mhirizhonga yakaitika neChishanu chapfuura paitongwa mutewedzeri wasachigaro webato iri, VaJob Sikhala mudare repamusoro mudhorobha iri.

Vabereki vane vana vakaremara vanoti vave kushaya kuti voita sei sezvo vasina mari yekutenga mishonga inenge ichidiwa nezvitoro zvinotengesa mishonga inoshandiswa nevana ava.

Vateveri vemutambo wenhabvu muZimbabwe vari kutarisira kuti chiikwata chenyika chichapinzwa mugungano rezvikwata zvakapfava apo veConfederation of African Football manheru anhasi vari kuisa zvikwata mumagungano emafainari e2020 Africa Nations Championships kana kuti Chan.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa danho ratorwa nesangano reEuropean Union rekubvisa zvirango pane vamwe vakuru muhurumende pamwe nekuwedzera zvirango negore pakambani yeZimbabwe Defence Industries.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 17, 2020
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG