Dare reSenate remu America rakawana neChina mutungamiri wenyika iyi, Va Donald Trump, vasina mhosva pamhosva mbiri dzavanga vachipomerwa.
VaTrump vakaponeswa munyaya idzi nenhengo dzebato ravo re Republican Party, idzo dzakavhota dzichiramba kuti vawanikwe vaine mhosva.
Nhengo imwe chete yebato iri, Va Mitt Romney, ndivo chete vakavhotera kuti VaTrump vawanikwe vaine mhosva.
Nhengo dzose dzebato reDemocratic Party dzakavhotawo dzichiroverera Va Trump nemhosva, asi dzaive shoma zvichienzaniswa nenhengo dze Republican Party dzakavhotera kuti VaTrump vasawanikwe vaine mhosva.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vachidzidzisa pa Malone University ku Ohio, Dr Moses Rumano, vanoti zvirinkutika muAmerica zvakanaka sezvo zvichibatsira kuti dzimwe nyika dzakadayi seZimbabwe dzidzidze kukosha kwakaita hutongo hwejechetere.
"Tinowona kuti muno muAmerica vadare vanobvumidzwa kutaura zvavanoda pamusoro pemutungamiri wenyika vasingatye kuti pane zvichazoitika kwavari kana vachinge vataura pfunga dzavo," Dr Rumano vaudza Studio7.
Facebook Forum