Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro Kukadzi 3, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vatungamiri veZanu PF Youth League vanodoma VaBilly Rauntebach, VaTafadzwa Musarara naVaKuda Tagwirei sevanhu vari kuita huwori hwakanyanya munyika.

Vanachiremba vakuru vanoti hurumende yakatenga michina yekushandisa muzvipatara isingashandi.

Kunyange hazvo vanachiremba vadiki vakati vave kudzokera pabasa zvinhu hazvisati zvave kunyatsofamba zvakanaka pachipatara cheMpilo muBukawayo chinove chipatara chikuru chechipiri munyika

Kutongwa kwemutewedzeri wasachigaro veMDC, VaJob Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pachigaro nechisimba, kunotanga mudare reHigh Cort kuMasvingo.

Veruzhinji vari kuyambirwa nenyanzvi munyaya dzehutano kuti vagare vachisimbisa miviri yavo kuburikidza nekuita mitambo pamwe nekusadya chikafu chine munyu wakawandisa kuitira kuti vasabatwe nechirwere che High Blood Pressure, icho chiri kuuraya vanhu vakawanda munyika.

Studio7 inotarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu mudunhu reEpwoth.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa nezvenyaya yehuwori uhwo hunonzi nevamwe hwauraya nyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG