Mutevedzeri wasachigaro muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJob Sikhala, vanowanikwa vasina mhosva yavanga vachipomerwa yekuda kupidigura hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nemasangano anoshanda akazvimirira muguta reBulawayo.
MDC inorangarira mutungamiri wayo wekutanga, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya makore maviri apfuura musi 14 Kukadzi 2018.
Studio7 inotarisa zvakadzama mamiriro akaita zvinhu muMDC zvichitevera kutora matomu kwakaitwa naVaNelson Chamisa zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai.
Sangano reWorld Food Program rinoti riri kupemha mari inosvika zana remamiriyoni emadhora kuitira kuti ritengere vanhu vemuZimbabwe chikafu.
Zimbabwe Congress of Trade Unions yokurudzira hurumende kuti itare mari dzinotambirwa nevashandi, mushandi wepasi pasi achitangira pazviuru zvitatu nemazana masere emadhora emunyika, kusaita izvi, vashandi vacharatidzira zvine mutsindo unotsemura nyika.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika yose.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.