Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 05, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zanu PF inomisa kwegore rimwe chete nhengo dzayo dzechidiki, VaLewis Matutu naVaGodfrey Tsenengamu, zvichitevera kupomera huori kwakaita vaviri ava vamwe vakuru vakuru muZanu PF kusanganisira mukuru weSakunda Holdings, VaKudakwashe Tagwireyi.

Nyaya yekunzwa chikumbiro chekuti Muzvare Marry Mubaiwa vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yekurova mushandi wavo, yonzwikwa mudare nemusi weChishanu.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga, vanobudirira mudare kuti mudzimai wavo wavari kurambana naye, Muzvare Marry Mubaiwa, vasagare pamba yavo yeku Borrowdale Brooke.

Dare reSenate remuAmerica rotarisirwa kupa mutongo waro nhasi pamhosva dziri kupomerwa mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump.

Studio7 inotarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu kuShurugwi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika kunze kwenyika zvinobata zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika idzi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG