China inozivisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza kuChina hazvisi munjodzi yechirwere che Corona Virus icho chauraya vanhu vanodarika mazana mashanu, zvikuru kuChina kwakare
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanosangana nehutungamiri hwebato ravo mudunhu reMashonaland West, ukuwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachangewo vari mudunhu iri mangwana.
Mumwe wechidiki muZanu PF akambomisa basa kwegore rimwe chete, VaGodfrey Tsenengamu, vanoti vanotambira danho rekumbomiswa basa asi vanoti havasi kuzonyarara kutaura zviri kuitika panyaya yehuori sezvo huri kuuraya nyika.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanowanikwa vasina mhosva nedare reSenate iro rakavhota nezuro nhengo dzebato reRepublican Party, kunze kwaVaMitt Romney, dzichivhotera kuti VaTrump vasawanikwe vaine mhosva.
Studio7 inotarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu kuNorton.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum