Zimbabwe inocherechedza zuva reWorld Radio Day nyanzvi munyaya dzekutepfenyura dzichiti hurumende haisi kukoshesa kusununguka kwenhepfenyuro dzakazvimirira idzo dzinova shoma zvikuru zvichienzaniswa nezviri kuitika kune dzimwe nyika.
Vechidiki veZanu PF vanoti havasi kuzopinda mumusangano uri kurongwa kuitwa nevechidiki vaviri veZanu PF vakambomiswa basa, VaLewis Matutu naVaGodfrey Tsenengamu, ukuwo vechidiki veMDC vachitiwo havaneyi nezviri kurongwa naVaTsenengamu naVaMatutu.
Vagari vekuMasvingo vanoramba kutambira zviri pamutemo bhajeti rekanzuru yavo izvo zvavakuita kuti kanzuru iyi itange zvakare kuronga bhajeti regore rino.
Murairidzi mutsva wechikwata chemaWarriors, Zdravo Lugorusic, akapinda munyika nezuro kuzotanga basa rake rekurairidza chikwata chenhabvu chenyika.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyaya dzekutepfenyurwa kwemashoko pachishandiswa marhedhiyo pasi rose
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum