Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 05, 2020.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zimbabwe inopihwa neWorld Health Organization nhumbi dzekudzivirira vashandi vemuzvipatara panguva iyo chirwere cheCoronavirus chatekeshera pasi rose.

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemitambo dzinoshatirwa zvikuru nekutadza kwaita Zifa neBulawayo City Council kuzopa humbowo pamusoro pechakapa kuti nhandare dzemunyika dzirambidzwe kushandiswa mumitambo yeConfederation of African Football.

America inowedzera negore zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevamwe vavo muZanu PF pamwe nemakambani avanodyidzana nawo America ichiti Zimbabwe iri kutadza kuremekedza kodzero dzevanhu.

Chizvarwa cheZimbabwe chinorwira kodzero dzevanhu, Doctor Rita Nyamupinga, vanoremekedzwa nekupihwa mubairo weWomen of Courage nehurumende yaVaDonald Trump.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa zuva revanhukadzi pasi rose.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG