Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa, Vanoudza Africa Union Kuti Nhaurirano, Kwete Zvirango, Ndidzo Chete Dzinounza Runyararo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vaudza musangano weAfrican Union kuAddis Ababa, kuEthiopia, kuti kutaurirana ndiko chete kunounza runyararo nekushanda pamwe munyika, kwete zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika nevekumadokero.

Bepanhau reHerald rinoti mutungamiri wenyika vaudzawo musangano uyu kuti vari kuita nhaurirano neAmerica pamwe neUeropean Union kuti vatange kudyidzana zvakare, uye kuti zvirango zvibviswe.

Nyanzvi munyaya dzezveupfumi uye vakambotungamira sangano re Zimbabwe National Chamber of Commerce (ZNCC), VaLuxson Zembe, vanoti zvakakosha kuti paitwe nhaurirano pakati paVaMnangagwa nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa kuitira kuti zvinhu zvishanduke munyika.

VaMnangagwa vanonzi vaudza gungano reAfrican Union iri kuti vari kuita nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko ari munyika kuburikidza nePOLAD, iyo yakaumbwa nevatungamiri vemapato akakwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2018. Asi VaZembe vanoti zvakakosha kuti mutungamiri wenyika vataurirane naVaChamisa, avo vanonzi vari kuramba kupinda muPOLAD.

Hurukuro naVaLuxon Zembe
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG