Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 25, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevaimbova gurukora rezvemari VaPartick Chinamasa vozorwawo madhaka panyaya yemari inonzi haina kufambiswa zvakanaka neGrain Millers Association of Zimbabwe.

Zimbabwe yotangazve humwe hurongwa hwechinganzi chipfeko chenyika kana kuti national dress vamwe vachiti kupedza nguva nyika yakatarisana nematambudziko makukutu kunyanya nzara.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voparura zviri pamutemo musangano weAfrica Regional Forum on Sustainable Development kuVictoria Falls vachiti Zimbabwe yakagadzirira kuzadzikisa zviga zvekusimudzira hupenyu hwevanhu zvakatarwa neUnited Nations kana kuti SDG’s

Vaimbova mutungamiri wenyika yeEgypt VaHosni Mubarak vanoshaya.

Muchirongwa chedu cheThe Connections- na8pm, nhasi tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano we Africa Regional Forum on Sustainable Development kuVictoria Falls.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG