Accessibility links

Breaking News

Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Muvhuro Kukadzi 24, 2020.


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, Muvhuro Kukadzi 24, 2020.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vechidiki vaviri veMDC, VaMakomborero Haruzivishe naVaAllan Moyo, avo vakasungwa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuratidzira zviri kunze kwemutemo, vanopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso inoita chiuru chemadhora emari yemunyika.

Musangano wechitanhatu wekutarisa nyaya dzebudiriro pasingakanganiswi zviwanikwa, weSixth Session of the Regional Forum on Sustainable Development, unotanga nhasi kuVictoria Falls.

Komisheni inorwisana nehuwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti iri kutarisira kunge yave nemahofisi anoshanda mumatunhu matanhatu emunyika mukupera kwegore rino senzira yekuedza kurerutsa mashandiro ayo.

Vanotengesera mumigwagwa panzvimbo yemabhizimisi, yeShowgrounds kuDomboshava mudunhu reGoromonzi West, vanoti vambomira kubhadhara mitero kukanzuru yeGoromonzi dzamara kanzuru iyi yavavakira zvimbuzi, misika yakanaka pamwe nekuvapa mvura panzvimbo dzavanoshandira.

Vatambi venhabvu vemunyika vane mukurumbira vari munyika dzakasiyanasiyana vanozvipira kutambira chikwata chemaWarriors mumitambo yacho yakakosha iriko mwedzi unoya pachatamba maWarriors neAlgeria mumakwikwi eAfrica Cup of Nations.

Dambudziko rekushaiwa mbereko rogadziriswa zvichitevera kubatsirwa kwemhuri dzinodarika makumi matanhatu dzaive nedambudziko iri neimwe kiriniki iri muHarare.

Muchirongwa chedu cheLivetalk na8pm, nhasi tiri kutarisa nezvedambudziko remafuta edzimotokari, iro rinonzi riri kutowedzera kunyange hazvo pave nemamwe magaraji ave kutengesa mafuta nemadhora ekuAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG