Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muWuhan, China Chotaura nezveMatambudziko Okonzerwa neCoronavirus


Muzvare Blessing Chirima vari ku Wuhan, China
Muzvare Blessing Chirima vari ku Wuhan, China

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muguta reWuhan muChina Muzvare Blessing Chirima vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kwavari sezvo zvekudya nezvimwe zvekushandisa zvave kudhura.

Vaenderera mberi vachiti ivo nevamwe vavo vachiri vaka vharirwa mudzimba dzavo senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus.

Chirwere ichi chinonzi chakatangira muguta iri uye mune zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzidza muguta iri zvinodarika mazana matatu nemakumi mashanu.

Muzvare Chirima vanoti shuwiro yavo ndeyekuti pawanikwe rubatsiro rwekubatsira ivo nevamwe vadzidzi vari kutarisana nedambudziko remari yekushandisa sezvo vamwe vaisimboita mabasa ekuzviriritira vasiri kushanda pari zvino.

Muzvare Blessing Chirima
Muzvare Blessing Chirima

Vanoti rubatsiro urwu rwunogona kuendeswa kumuzinda weZimbabwe uri muChina ivo vozovapa.

Parizvino zvitoro, makambani, nezvikoro zvakavharwa. Mabhazi, nendege hazvisi kubvumidzwa kubuda kana kupinda mudunhu reWuhan.

"Zvinorwadza ndezvekuti vamwe vange vachitoraramisa mhuri dzavo kumusha uye kuzvibhadharira mari dzechikoro asi nekusaenda kumabasa vazhinji vave kutotarisana nenzara pamusoro pekutya chirwere checoronavirus ichi," Vanodaro Muzvare Chirima.

Gurukota rezvehutano vaObadaih Moyo vakaudza Studio 7 kuti hurumende iri kushanda nemuzinda wenyika muBeijing kuona kuti zvizvarwa zvayo hazvisi kusangana nematambudziko uye ichivimbisa kubatsira nepainogona napo.

Muzvare Chirima vanoti zvimwewo zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda muWuhan zviri kunetsekawo nekutadza kuenda kumabasa sezvo parizvino vave kutotadza kuriritira mhuri dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG