Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 18, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mumiriri weEU muZimbabwe VaTimo Olkkonen vanojekesa kuti hapana zvachinja panyaya yezvirango pamutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vachiti Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu.

Vanhu vochema chema nemitengo yezvinhu yoramba yoita chamuramba mhuru

Kanzuru yeBulawayo yovharira vanhu vasina kubhadhara mitero mvura zvotyirwa kuti zvinogona kukonzera kupararira kwezvirwere.

Tine hurukuro nechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuChina nezvechirwere checorona virus icho chiri kuuraya vanhu vakawanda kunyika iyi.

Muimbi wechidiki Prince Kudakwashe Musarurwa uyo akashaya nechirwere chegomarara oradzikwa kwaZvimba nhasi.

Zimbabwe Warriors yoparura makwikwi eCHAN nemutambo neCameroon iyo iri kuitirwa makwikwi aya.

Muchirongwa cheLiveTalk chevechidiki cheThe Connection na 8pm tiri kuzeya nezvezuva reRobert Gabriel Mugabe National Youth Day rakanangana nekukurudzira vechidiki kuti vaite mabasa ebudiriro

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG