Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 11, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Mvura yakanayisa zvakanyanya kuBinga inoparadza misha yevanhu vakawanda mudunhu iri, uye mhuri dzinodarika makumi maviri dzakatarisana nedambudziko iri dzava kutobatsirwa

Chirwere chechimbwamupengo chinouraya vanhu vaviri muChinhoyi, uye vamwe vanhu vatatu kwaZvimba mudunhu reMashonaland West.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti hupfu huri kushaikwa munyika nepamusana pehuori huri kuitika munyaya dzechikafu.

Studio7 inotarisa zvakadzama matambudziko emakambani madiki ari kuvhiringwa nekushaikwa kwemvura muguta reBulawayo

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzehupfumi panguva iyo zvinhu zvisina kumirira zvakanaka munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG