Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Ndira 31, 2020


Nhau DzeShona Studio7

Mapurisa anorambidza mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, kuparura chirongwa chavo chekuchenesa nzvimbo dziri muChitungwiza.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vanoti dzidzo inofanirwa kushandiswa mukuumba kugara kwakanaka mudzimba pakati pemhuri.

Asi vamwe vanhu vanoti VaChiwenga havafanirwe kutaura mashoko anobata zvinhu zvavari kutadza kuita zvichitevera kurambana nekufumurana pachena kwavari kuitana nemudzimai wavo, Marry Mubaiwa, uyo vari kurambana naye mumatare.

Zimbabwe inobata vanhu vanodarika zana nemakumi maviri vari kufungidzirwa kuti vane chirwere che Corona Virus.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuChina chotaura pamusoro pekuoma kwaita hupenyu munzvimbo yachinogara iyo yakatarwa senzvimbo ine chirwere cheCorona Virus, uye iri nzvimbo iri kurambidzwa vanhu kubuda kudzamara chirwere che Corona Virus chaparadzwa.

Vaimbove varwiri vehondo yerusununguko vanoungana muMbare vachipa pfungwa dzavo pabhiri remutemo unobata zvido nekodzero dzavo, re Veterans of the Liberation Struggle Bill.

Studio7 inotarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu kuManicaland

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa chirwere che Corona Virus icho chiri kufungidzirwa kuti chapindawo muZimbabwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG