Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kukadzi 04, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Komiti yeparamende inoona nezvehutano inoshanyira zvipatara zveParirenyatwa neSally Mugabe ichiona mamiriro akaita zvinhu muzvipatara zvehurumende uko inoudzwa kuti michina yakabva kuIndia iri pachipatara cheSally Mugabe haisi kushanda.

Dare remakurukota rinogara richizeya mamiriro akaita zvinhu munyika. Tichakuzivisai zvabuda mudare iri pamwe nemaonero emapato anopikisa hurumende yeZanu PF.

Zimbabwe yotenga chibage kubva kuSouth Africa.

Dare re Senate yemuAmerica roenderera mberi richitonga mhosva dziri kupomerwa mutungamiri wenyika iyi, VaDonald Trump.

Vaimbove mutungamiri weKenya, VaDaniel Arap Moi, vashaya nhasi vava nemakore makumi mapfumbamwe nemashanu

Sangano renhabvu munyika, re Zimbabwe Football Association, rotya kutambira mari yakabva kuFifa serubatsiro richiti mari iyi inogona kuperera kuzvikwereti kana rikaisa mari iyi mumabhanga aro.

Studio7 inotarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu kuEpworth.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa mabasa ari kuitwa nevechidiki mukusimudzira hupfumi, kwete muZimbabwe chete, asi kuti mudunhu rose rekuchamhembe kweAfrica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG