Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kurume 03, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare reSupreme Court rinomisa kupa mutongo waro mushure mekunzwa chikumbiro chaVaLast Maengahama chekuti dare iri rirase mutongo wedare repamusoro rakawana VaMaengahama nevamwe vavo vaine chekuita nekupondwa kwakaitwa mumwe mupurisa, VaPetros Mutedza, mumusha weGlen View muna 2011.

Dare remakurukota rotarisirwa kugara nhasi richizeya mamiriro akaita zvinhu munyika pamwe nekuzivisa veruzhinji matanho ari kutorwa nehurumende.

Sangano rinokweretesa mari pasi rose, reInternational Monetary Fund, rinoti Zimbabwe haisi kutevedzera gwara rakatarwa neIMF senzira yekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Matunhu gumi nemana anopinda musarudzo yekutsvaga achamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri weAmerica muna Mbudzi.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyaya dzekurima.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG