Hurumende inokoka vanoda marezinesi ekutepfenyura mumatunhu nemuzvikoro zvepamusoro soro kuti vauye kuzonyoresa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa voita musangano nenhengo dzemapato madiki dziri mugungano rePOLAD.
Vamwe varairidzi nevabereki vanochengetedzwa nemapurisa kwaMutoko mushure mekuratidzira vachiti havasi kufara nemamiriro akaita zvinhu muzvikoro.
Muchirongwa chedu cheLivetalk-Womens Round Table na8pm, nhasi tiri kutarisa mamiriro arikuita vanhu nyanya madzimai panguva iyo zvinhu zviri kuramba zvichiwoma munyika munyaya dzezvehupfumi.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave
Facebook Forum