Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Zuva reVatungamiri veNyika Iyi


Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.
Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Zvizvarwa zveAmerica zviri kucherechedza zuva revatungamiri venyika iyi vose, kana kuti Presidents' Day, apo zvinoremekedza mabasa avakaita mukukurudzira hutongo hwejechetere.

Zuva iri rinocherechedzwa panguva iyo mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vachangobva mukuwanikwa vasina mhosva panyaya dzavange vari kupomerwa dzekushandisa masimba avo zviri kunze kwemutemo, uye kuda kuvhiringidza dare reparamende kuferefeta nyaya dzavo.

Muzvinafundo vepaMalone University kuOhio muno muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti zvizhinji zvingadzidzwe neZimbabwe pamusoro pekuremekedza vatungamiri venyika varipo nevakatisiya.

"Zvakakosha kuti pave nezuva rakadayi pasi rose sezvo veruzhinji vanowana mukana wekurangarira mabasa ari kuitwa neakaitwa nevamwe vatungamiri venyika yeAmerica. Izvi zvinokwanisawo kuitwa kunyika dzakadayi seZimbabwe," Doctor Rumano vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG