Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kukadzi 12, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Dare remakurukota rotarisirwa kubuda nezvisungo zvekutevedza mumusangano waro wanhasi uyo uchiri kuzeya nyaya dzakawanda dzinobata nyika.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti nhaurirano pakati pavo nemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ndidzo chete dzinobudisa nyika mumatope mairi.

Zvirimwa zvakawanda zvoparadzwa kuMashonaland West nerukonye, kana kuti army worms.

Vagari vekuMasvingo vanoramba kutambira bhajeti rekanzuru yavo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvotaura pamusoro pechirwere che Coronavirus icho chauraya vanhu vanodarika chiuru, zvikuru ku China.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa dambudziko rechirwere che Coronavirus

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG