Vanhu vakawanda vari kutora mazuva akawanda pamwe nekurara vari pamabhanga vachida kuti vatore mari dzavo mumabhanga emuguta reMutare.
Mutongi wedare ramejasitiriti maMutare VaLangton Mukwengi neChina vakabhadharisa mari yechibatiso inosvika madhora zviuru zvitatu zveRTGS kuvasungwa makumi maviri nevasere avo vakasungwa nemusi weChipiri apo vairatidzira pakambani yemangoda yeAnjin
Bato reZanu-PF mudunhu reManicaland riri kupomerwa mhosva yekuda kumanikidza kanzuru yeMutare kuti igovere vechidiki vebato iri misika yekutengesera kunyangwe dzimwe nhengo dzacho dzange dzisina kunyoresa zviri pamutemo sezvinotarisirwa.
Vagari veguta re Mutare vane chikwereti kukanzuru yeguta iri chinopfuura mamiriyoni zviuru mazana mapfumbamwe emaariyemunyika kana kuti ZW$900 million iyo vari kutatarika kubhadhara zvodzosera mabasa ekanzuru kumashure.
Meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi, vanoti vari kushushikana nekusafambiswa zvakanaka kwemari inobva kuhurumende dzinopihwa matunhu kuti ashandise mari iyi munyaya dzebudiriro.
Asi gweta riri kumirira murume uyu uyo anozivikanwa saVaHatirarami Momberume kana kuti VaEvans Momberume, VaBrian Majamanda vaisa chikumbiro chavo chekuti musungwa atongwe achibva kumba kwake kudare icho chichanzwikwa svondo rinouya kana mutongi Amai Lynne Mungwari vavepo.
VaHatirarami Momberume, avo vanove nhengo yemapositori ekwaJohanne Marange, vapinda mudare nhasi vachipomerwa mhosva yekubata chibharo pamwe nekukonzeresa kufa kwaAnna Machaya.
Vachitaura pamusoro pezvakaitika kuZambia uko vaive mutungamiri wenyika iyi, VaEdgar Lungu, vakakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika naVaHakainde Hichilemba, VaMnangagwa vati izvi hazviitiki muZimbabwe.
Vapoteri vanogara kuTongogara Refugee Camp mudunhu reManicaland vanoti kunyange hazvo vachifara kuti vari kugara murunyararo nguva dzose, zvinhu hazvina kunyatsomira zvakanaka munyaya pamagariro avanoita mukembi iyi.
Rodhai zvimwe