Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda Vari Kutadza Kutora Mari Dzavo kuMabhengi


myanmar dollar currency
myanmar dollar currency

Vanhu vakawanda vari kutora mazuva akawanda pamwe nekurara vari pamabhanga vachida kuti vatore mari dzavo mumabhanga emuguta reMutare.

Vanhu ava vazhinji vavo vashandi vehurumende vanenge vabva kure vamwe vari papenjeni. Mari yavari kuda kutora iyi rwendo runo yakabhadharwa nehurumende nemadhora ekuAmerica ayo ari kunetsa kuwana mubhanga.

Vamwe vevanhu ava vanoti vave nemazuva anopfuura mashanu vari paiutsetse vachirara panze pemabhanga aya.

Mumwe wevanhu ava, Amai Chipo Mubure, vanoti vakauya muguta nemusi weChishanu svondo rapfuura, asi kusvika nhasi havasati vapihwa mari nebhengi ravo.

Amai ava vanoti vebhengi ravo vari kubatsira vanhu vashoma pazuva rega rega.

"Inini ndakauya pano Friday last week tichingorara panze apo vachisevha vanhu vashona sekuti five kana kuti 10, vanhu vacho vachiita kana three hours vari mukati. Saka hatizivi kuti tichabva pano riini tichingorara panze, zviri kutirwadza," vadaro Amai Mubure.

Mumwe wevave nemazuva akawanda vari maMutare vachirarawo panze, Amai Tendai Chinaka, vanoti vari kutadza kutora mari yemudyandigere yemurume wavo uyo aive murwiri wehondo yerusununguko.

Amai ava vanoti zviri kuvarwadza kutora nguva refu yakadai vachida kubatsirikana nemari yekutenga mishonga sezvo vari kurwara.

Amai Eveline Sigauke vanoti vane mwana mucheche wavanaye vachirara pachena naye mwana uyu pasina chekudya, kana mvura yekugeza, sezvo vasina hama maMutare ingavabatsira nepekurara.

"Tiri pano pabhengi zviri kutirwadza chaizvo. Takauya pano musi weMuvhuro tichimirawo mu-line asi mari hapana. Vari kuti tiri kupa vanhu vashoma, Tadzokazve nhasi, hatina kupiwa mari, hameno pamwe China. Vhiki yese tiri pano panze isu takabva kure hatina pekurara, tatambudzika," vadaro Amai Sigauke

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi revakuru vemabhanga kuti tinzwe kuti zvii zviri kukonzera kuti vanhu varare mumitsetse vachida kutora mari dzavo mumabhanga.

Asi mumwe mushandi werimwe bhanga uyo aramba kudomwa nezita rake sezvo asingabvumirwi kutaura nevatori venhau audza Studio 7 nhasi kuti mabhanga haana kupihwa mari yekuAmerica inokwanirana nehuwandu hwevanhu vakabhadharwa mabhonasi avo nemari dzemadhora ekuAmerica.

Mushandi uyu aenderera mberi achiti vamwe vashandi vemapazi ehurumende akaita semapurisa nemasoja vari kupihwa mari kutanga sezvo mabhanga akapihwa odha iyoyo nevakuru vemuhurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG