Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMutare Yotarisana neDambudziko reKubiwa kweSimbi neZvikwangwani zveMumigwagwa uyeKuparadzwa kweMidziyo


Mbavha idzi dzinonzi dziri kuba chero kusanganisira zvikwangwani zvemumigwagwa.
Mbavha idzi dzinonzi dziri kuba chero kusanganisira zvikwangwani zvemumigwagwa.

Kupwanyiwa pamwe nekubiwa kunonzi kuri kuitwa midziyo yeguta reMutare kunonzi kuri kuisa munjodzi vagari pamwechete nekudzorera shure mabasa ebudiriro muguta iri.

Mbavha dziri kubira kanzuru yeguta chero simbi dzadzinenge dzasangana nadzo dzichinotengeserwa vanogaya simbi kuti dzishandiswa zvakare. Mukuita uku kanzuru inoti iri kurasikirwa nezviuru nezviuru zvemadhora.

Kanzura weguta reMutare vachimirira Ward 13 mumusha weChikanga, Amai Monica Mkwada, vaudza Studio 7 kuti mbavha idzi dzarura mare sezvo dziri kukwachura chero chadzinenge dzasangana nacho kubva kusimbi dzinovhara makomba epombi dzinofamba nemvura netsvina kusvika kupombi dzemvura.

Kanzura Mkwada vanoti misoro yepombi dzemvura iri kubiwa zvakare muzvimbuzi zvekanzuru zvinoshandiswa neveruzhinji uye nemudzimba dzevagari. Kanzura ava vanoti zvimwe zviri kuparadzwa nembavha inzvimbo dzaisitandarira vana, idzo dzavanoti dzangosara dzangova marangwanda simbi dzemizeerere nezvimwe zvabiwa zvichitengeswa.

"Muguta reMutare tasangana nedambudziko rembavha dziri kuba zvinhu zvokanganisa service delivery yedu zvinonyanya kubiwa iwaya dzemagetsi kunana Murambi uye mu downtown kunana Jameson Street ma-copper cables ari kubiwa zvakanyanya, zvinoita kuti tizove nerima muguta vanhu vachizobirwa nekudzipiwa huro murima.

"Vanhu vari kuba ma valves emvura vanhu voenderwa nemvura kwakushaya kuti dambudziko rabvepi."

Mumashoko avo kuvagari munguva ichangopfuura, vakafanobata chigaro chamabharani weguta reMutare, VaBlessing Chafesuka, vakati nyaya iyi ichiri kuongororwa kuti kuti paiswe mutemo unorambidza kutengeswa kwesimbi dzekanzuru nemunhu asina mapepa abva kwavari.

Mashoko aya atsinhirwa zvakare nemutauriri wekanzuru VaSpren Mutiwi vachitaura neStudio 7.

"Kanzuru iri kurasikirwa ne infrastructure yakaita sema sewer covers pamwe nema hydrant systems zvozoita kuti tiite mvura inoshandiswa isina ano bhadhara saka iri idambudziko ratinaro hombe. Ngativei ne sense of ownership pazvinhu zvedu zvitibatsire tichi mhan’arawo vanenge vachiita izvi, tive a brothers’ keeper pamidziyo yatinayo tisarambe tichingotenga chinhu chimwechete pakudzorera chabiwa."

Mumwe mugari wemaMutare, VaGodwin Sithole, vanoti nyaya yekubiwa kwesimbi muguta kuri kuisa vagari munjodzi kunyanya kune vechidiki vanozotarisana nekuwira mumakomba anenge asiiwa akashama zvivharo zvawo zvabiwa. VaSithole vanoti zvimwe zviri kubiwa zvinosanganisira zvikwangwari zvesimbi zvemazita emigwagwa.

"Pakubiwa kwema road signs kunokanganisa vatyairi vasingazivi nharaunda kunyanya muya munenge muine ma stop signs, pedestrian crossing uye nema hump signs.

"Yambiro idzi dzikabviswa pakubiwa zvinopinza vanhu munjodzi, vamwe vari kuba water valves nezvivharo zvema sewer pipe zvinozoitisa ma blockages nekutushuka kwepombi idzi zvopa vagari zvirwere zvakaita seCholera, Typhoid ne diarrhoea."

VaClayton Madzanya mugari wekwaChigodora kunze kweguta reMutare. VaMadzanya vanoti kubiwa kwemasimbi dzinovhara makomba nepombi dzemvura netsvina kunoisa vakawanda munjodzi kusanganisira nevanofamba nedzimotokari sezvo pave nemikana yakanyanya yekuti motokari dzinowira mumakomba anozosara asina kuvharwa aya.

"Tiri kuona kuti pane zviri kubiwa panosanganisira ma main hole covers nema storm drains covers zvakare izvo zvinokanganisa kunyanya vanofamba nemota uye netsoka. Motokari dzinokwanisa kuwira mumakomba iwayo kana vanhu zvakare vanokwanisa kuwira mumakomba aya zvakare saka dai vari kuita mabasa aya vakabatwa nekurangwa zvakanyanya zvinoenderana."

Reverand Abel Waziweyi Mufundisi weAnglican Church uye vari chipangamazano zvakare. Rev Waizweyi vanoti vagari vanosungirwa kuwana dzidziso yekuti pave nekuchengetedzwa kwemidziyo yose yekanzuru sezvo iri yemugari wose uye ichivabatsira mune zvakawanda. Vanoti munhu wose anofanirwa kunge ari mupurisa paanenge ari pakuona kuti midziyo iyi yakachengetedzeka here kana kuti kwete.

"Chatinofanira kuziva ndechekuti midziyo iyoyo iri kuvhandalaiziwa ichibiwa ndeyedu isusu vagari saka tinoda kuti tibatsirane pakuichengeta, tichiita ma citizens’ arrests patinenge taona zvakadai zvichiitika. Zvinhu zviri kubiwa izvi zvinobatsira ini, newe, tose saka tinongoda kuzvichengeta."

Simbi dziri kubiwa idzi dziriwo kugadziriswa zvakasiyana siyana munyika dzimwe dzichitengeserwazve kunze kwenyika.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG