Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yopomerwa Mhosva Yekuda Kumanikidza Kanzuru yeMutare Kupa veChidiki Vayo Misika


Bato reZanu-PF mudunhu reManicaland riri kupomerwa mhosva yekuda kumanikidza kanzuru yeMutare kuti igovere vechidiki vebato iri misika yekutengesera kunyangwe dzimwe nhengo dzacho dzange dzisina kunyoresa zviri pamutemo sezvinotarisirwa.

Izvi zvinonzi zvakaitwa kuburikidza netsamba yakanyorwa negurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Amai Nonkuthuka Matsikenyere kukanzuru yeMutare.

Tsamba iyi iyo yakanyorwa musi wa14 Chikunguru inoti kanzuru yeguta reMutare inosungirwa kupa vechikdiki vebato iri vanosvika zana nemakumi matanhatu nzvimbo dzemisika yekutengesera panzvimbo yeChidzere market.

Meya weguta reMutare VaBlessing Tandi vaudza Studio7 kuti vakatambira tsamba iyi asi vakati zvinonetsa kupa misika vanhu vakawanda vakanyorwa mazita.

Amai Matsikenyere varamba mashoko ekuti vari kumanikidza kanzuru kugovera nzvimbo dzekutengesera kunhengo dzebato ravo vachiti vari kuda kuti chero vechidiki zvisinei nemapato vapihwe nzvimbo.

Asi mutauriri weMDC Alliance inotungamirirwa navaNelson Chamisa mudunhu reManicaland VaDavid Panganai vanoti undyire uhu hwagara huchiitika kubva kare mumatunhu ose munyika.

Mutauriri weMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, VaWitness Dube varamba kutaura pamusoro penyaya iyi vachiti vanoda kutanga vanzwa gwara kuvakuru vavo.

Asi mukuru wesangano revatengesi reMutare Informal Traders Association, MITA VaItai Kariparire vanoti hapafanire kuita zvetsvete vakakurudzira vanhu kuti vanorese sezvinotarisirwa..

Makakatanwa aya akonzera kuti musika weChidzere Open Flea Market waifanira kuvhurwa mwedzi wapera unonoke kuvhurwa. Musika uyu unokwanisa kushandiswa nevatengesi vanosvika mazana matanhatu nemakumi maviri nevana, kana kuti 624.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG