Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaChiyadzwa Vakanetsana neVakuru veKambani yeMangoda yeAnjin Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


VaEmmerson Mnangagwa, naVa Xi Jinping
VaEmmerson Mnangagwa, naVa Xi Jinping

Mutongi wedare ramejasitiriti maMutare VaLangton Mukwengi neChina vakabhadharisa mari yechibatiso inosvika madhora zviuru zvitatu zveRTGS kuvasungwa makumi maviri nevasere avo vakasungwa nemusi weChipiri apo vairatidzira pakambani yemangoda yeAnjin vachinyunyuta nekusabata vagari ava zvakanaka, uye kukanganisirwa nharaunda yavo nemabasa ekucherwa kwemangoda kuri kuitwa nekambani iyi.

VaMukwengi vakaudza vasungwa ava kuti vasakanganisa mabasa ari kuitwa pakambani yeAnji vachiti vasasvika chinhambwe chemamita zana pedyo nayo. Vati vasungwa vagare padzimba dzavo dziri mumagwaro edare uye vasavhiringidza vafakazi panyaya iyi. Vasungwa ava vanzi vadzoke zvakare kudare nemusi wa22 Mbudzi gore rino apo mhosva yavari kupomerwa ichatanga kutongwa.

Rimwe remagweta riri kumiririra vasungwa ava VaCosmas Chibaya vaudza Studio 7 vanofara nezvabuda mudare.

Izvi zvatsigirwa nerimwe remagweta evasungwa ava VaRichard Ncube vanoshanda nesangano reZimbabwe Environmental Law Association.

Vachuchusi venyaya iyi vanoti vasungwa makumi maviri nevasere ava vachitungamirirwa naSabhuku Robert Chiadzwa avo vanemakore makumi mapfumbamwe ekuberekwa vakaputsa hari dzedoro range rabikwa pakugadzirira mhemberero dzekuvhurwa patsva kwekambani yemangoda yeAnjin nemusi wa28 Gumiguru.

Vasungwa ava vanonzi zvakare vakaparadza matende epagungano iri vachinyunyuta nekusabatwa zvakanaka kwevashandi vepakambani iyi nevaridzi vayo vekuChina. Vagari ava vanotiwo vanoda kuti vave chikamu chinosvika gumi kubva muzana chevashandi vepaAnjin sezvo kambani iyi iri kuchera munharaunda mavo.

Vakuru vekambani yeAnjin vanonzi havana havo kumhan’ara chiitiko ichi kumapurisa vachida kugadzirisana pachavo nevagari, vakavimbisa kudzoka nemusi wa2 Mbudzi kuita musangano vose nechinangwa chekunzwisisana.

Mushure mekutadza kuuya kwevakuru veAnjin ava kumusangano uyu sezvange zvarongwa vagari vanosvika mazana mana vakaungana pamba paVaNewman Chiadzwa vatsamwa vakaronga kuratidzira pamuzinda weAnjin vachitungamirirwa naVaNewman Chiadzwa, Sabhuku Robert Chiadzwa uye nava Shadreck Chipise.

Vairatidzira ava vainge vaine zvinyorwa zvakanzi, Anjin wauraya zvipfuyo zvedu, wauraya mafuro, madhamu, nzizi neminda yedu yekurima nezvimwewo. Kuratidzira uku kunonzi kwakazoita mhirizhonga pakarohwa vawe vashandi nevaridzi vekambani iyi.

Tichiri panyaya dzange dziri kumatare maMutare, mutevedzeri wemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa mubato reMDC Alliance kuManicaland VaItai Masaka neChitatu vakabvisiswa mari yechibatiso inoita madhora zviuru gumi pamhosva yavari kupomerwa yekurova mutsigiri weZanu PF mumusha weChikanga, VaMalcom Masarira vanova sachigaro wevechidiki mu14th District kwaMutare.

VaMasaka avo vange vakamirirwa mudare negweta VaDavid Tandiri vakanzi vadzoke kudare zvakare musi wa19 Mbudzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG