Accessibility links

Breaking News

ZACC Inoti Ichazotaura Pamusoro peVhidhiyo reHuwori hweGoridhe, reAl Jazeera, Kana Yapedza Kuriona


Nyika inonzi iri kurasikirwa nemari yakawanda chose kuburikidza nekutengeswa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo.
Nyika inonzi iri kurasikirwa nemari yakawanda chose kuburikidza nekutengeswa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo.

Komisheni inorwisana nehuwori munyika, ye Zimbabwe Anti-Corruption Commission inoti ichiri kutarisa nekuona vhidhiyo rakaburiswa nezuro neAl-Jazeera, riri kufumura huwori hunonzi huri kuitika mukutengeswa kunze kwegoridhe.

Izvi zviri kuuya panguva iyo veruzhinji munyika, kusanganisira vemamwe mapato ezvematongerwo enyika, vari kushushikana zvikuru nezviri kuitika mukubiwa kwezviwanikwa zvichiendeswa kunze ivo vachisara vachidya nhoko dzezvironda.

Mutauriri weZACC, Commissioner Thandiwe Thando mlobeni, vaudza Studio 7 kuti komisheni yavo ichiri kuona vhidhiyo iyi vachiti vachazopa pamire komisheni yavo kana vapedza kuriona.

Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa
Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa

Vachinyorawo padandemutande reTwitter, mutungamiri we Tripple C, VaNelson Chamisa vati vhidhiyo reAl-Jazeera iri mucherechedzo wekudzama kwekuora kwakaita hutungamiri kubva kumusoro.

Ukuwo bato reZAPU rati rakatyamadzwa zvikuru asi harina kushamiswa nechiitiko ichi sezvo richiziva kuti vamwe varo ava havana hany’a nevana veZimbabwe.

Mugwaro raraburitsa, bato iri rati riri kukurudzira vana veZimbabwe nemasangano akasiyanasiyana kuti vagadzirire kutora matanho ekuti vari kunangwa muvhidhiyo iri vatorerwe matanho.

Ukuwo, vamwe vagari vekwa Mutare vataurwa navo neStudio 7 nhasi vanosanganisira VaEzekiel Munatsi, vanoti zvinovarwadza kuti ruzhinji rwenyika rwuri kunonga svosve nemuromo asi vamwe vari kumusoro vachiita madiro aJojina nehupfumi hwenyika zvisingabatsiri vazhinji.

VaMunatsi vanoti ivo semugari vanotarisira kuti pave nekuongororwa kwakakwana pamusoro penyaya yakabudiswa nevenhau ava veAl Jazeera kuitira kuti vanhu vave nevimbo nehurumende pamwechete nehutungamiriri huripo

"Isu tiri kutambura zvakare tinoda kuti pane zvakabuda munhau zvijekeswe pachena kutindiyani akapara mhosva uye kuti nyakupara wacho atongwa pachizobuda mutongo unoendererana nezvakaparwa kwete kuti tinozoona vapari vemhosva vave panze."

Mumwe mugari wemaMutare, VaObey Hove, avo vanogara mumusha weGreenside, vanoti mhosva hairovi sezvo vose vaiita zvekuoonererwa pamasaisai edandemutande reindaneti vave kubudiswa pachena pamusoro pekwaibva mari dzavo.

VaKumbirai Marisa vanoita basa rekutengesa zvkasiyana siyana maMutare. VaMarisa vanoti izvi zvinofanirwa kukurudzira vechidiki kuti vaende vanonyoresa kuvhota sezvo vari kuona mamiriro akaita zvinhu munyika kuti haana kunaka. Vanoti vechidiki hapana chavo kudzimara kana vakachipota vachisarudza shanduko.

Gweta, VaPassmore Nyakureba
Gweta, VaPassmore Nyakureba

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu richishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPassmore Nyakureba, vachitaura neStudio 7 nhasi vati mutemo uri pachena maringe nevanenge vapara mhosva.

"Mutemo unoti vanenge vapara mhosva ingava iri yechii vanosungwa vomiswa pamberi pematare edzimhosva votongwa; zvabuda mudare zvoremekedzwa zvimwechetezvo nevaya varikupomerwa, saka matare akamirira kuona nyaya dzakakaita seidzi dzichiiuya."

Vamwewo vagari munharaunda dzakasiyanasiyana vanotiwo havana ruzivo nezviri kubuda pazvivhitiviti pamusoro pekumorwa kunonzi kuri kuitwa zviwanikwa zvenyika, kunyanya goridhe, zvichitengeswa kunze zvechikoronyera.

Nyaya yekuburitswa kwegoridhe zviri kunze kwemutemo iyi inodzosa ndangariro kuvana veZimbabwe vakawanda pamusoro pekurasikirwa kwakaitwa nyika nemangoda, ayo akanga achicherwa kwaChiadzwa, zvakazoita kuti vaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, vataure kuti nyika yakanga yarasikirwa nemabhiriyoni gumi nemashanu emadhora ekuAmerica kuburikidza nekubiwa kwemangoda.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa (Columbus Mavhunga/VOA)

Studio 7 yakundikana kubata munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, kanawo gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa kuti tinzwewo pamire bato ravo panyaya iyi.

Asi mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 vari kuMasvingo kuti havasati vaona vhidhiyo reAl-Jazeera iri, vachiti vanozotaura chete kana variona.

Asi bhanga guru renyika reR-B-Z, kuburikidza neboka reFinancial Intelligence Unit, rakazivisa kuti rave kutoferefeta vamwe vari kuburitswa mazita avo muvhidhiyo iyi, VaUebert Angel naVaEwna MacMillan.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG