Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuDorapindo Vogara Vachityira Zvirwere Kubva muMvura yemuRwizi Sakubva


Mvura yemurwizi Sakubva iri kusvibiswa netsvina iri kubva muguta reMutare.
Mvura yemurwizi Sakubva iri kusvibiswa netsvina iri kubva muguta reMutare.

Vamwe vagari venharaunda yeDorapindo kumadokero kweguta reMutare mudunhu reManicaland vanoti vari kugara vakangobatira ura mumaoko vachityira kutapurira zvirwere zvemanyoka nezvimwe zvinokonzerwa nekushandisa mvura isina kuchena.

Vagari ava vari kushandisa mvura yemurwizi Sakubva iyo vanoti yakasviba zvakanyanya nekuda kwetsvina yevanhu inopfachukira imomo nguva zhinji.

Rwizi Sakubva rwunoyerera rwichidarika nemumisha inogara veruzhinji yemuguta reMutare inosanganisira Sakubva, Chikanga, Destiny, Hobhouse neDangamvura, umo mune pombi dzinofambisa tsvina dzinogara dzichipfachuka tsvina zhinji ichiguma yayerera ichipinda murwizi urwu.

Kutsemuka nekupfachuka kwepombi dzetsvina yemuzvimbuzi uku kunonzi kunonyanya kukonzerwa nekushayikwa kwemvura mudzimba kwenguva yakareba izvo zvinonzi zvinozokonzera kuti pombi dziremerwe panozouya mvura inofambisa tsvina iyi.

Tsvina yevanhu inonzi iri kupfachukira murwizi Sakubva.
Tsvina yevanhu inonzi iri kupfachukira murwizi Sakubva.

VaRegis Dembaremba mumwe wevagari venharaunda yeDorapindo uye mhuri yavo ichishandisa mvura yemunaSakubva.

VaDembaremba vanoti vakawanda munharaunda mavo vanotongoshandisa mvura iyi kudiridza mapindu avo chete sezvo yakanganisika zvekusakodzera kunwiwa nemunhu, kunyangwe hazvo zvipfuyo zvavo zvichinwa mvura iyi.

“Zviri kuitika izvi zvino affecta vose vari kuzasi kuno kusvika muna rwizi Save, nokuti ndimo munodirwa mvura nanaSakubva nanaOdzi, saka zvese zve pollution zvinenge zvichidzika zvozo affecta vese vanenge vachishandisa mvura iyi.

"Saka dai tarega zvatiri kuita izvi zvatiri kuona zviri kungokandwa murwizi zvinosanganisira ma pampers evana zvinenge zvichingokandirwa imomo nezvimwe zvinenge zvakasungwa zvinenge zvema rituals zvichingokandwa.

"Remember, mvura iyi inonwiwa nezvipfuyo zvedu, mombe, mbudzi pamwe nesuwo saka zvinokanganisa hutano hwevanhu. Zvekare mune hove dzinoredzwa imomo dzatinodya,” VaDembaremba vanodaro.

VaPeter Matimba mumwe mugari wenharaunda yeDora. VaMatimba vaudza Studio 7 kuti kune vamwe vanotoraura hove murwizi urwu vachitengesera vagary vachinyeba kuti vanenge vadzibata kudhamu Osborne riri kuchamhembe kweguta kana kuti kune dzimwe nzvimbo.

“Zvechokwadi muna Sakubva River umu mune pollution yakanyanya saka zvinoita kuti tisangane nezvirwere, especially nyaya dzemudumbu, nekuti kunouya vakomana vaine miramba vachitengesa iyo tinongosvika kumba tichibika vachingoti yabva muna Odzi, yabva kwakati, asi yabva muna Sakubva.

"Saka tiri kudya zvisakachena nekuti mave kushandiswa senzvimbo yekurasa garbage, dumping area, saka dai waro zvagadziriswa,” VaMatimba vanodaro.

Mugari wekuDorapindo, VaLuke Mukungatu.
Mugari wekuDorapindo, VaLuke Mukungatu.

VaLuke Mandava Mukungatu mumwewo wemhuri dzinogara mumahombekombe erwizi Sakubva. VaMukungatu vanoti vanotoshandisa mvura yekunwa yemuchibhorani chavakachererwa nehurumende, asi vanoti deno zvibhorani izvi zvikawedzerwa zveso chimwechete ichi chisiri kukwanira vagari.

“Isisu mvura yemuna Sakubva hatishandisiba nekuti inobva kumaindasitiri iine maoyiri, ma sewer, saka isusu tinotoshandisa hedu yemuma-boreholes atakachererwa nehurumende ari muno asi mashoma. Mamwe acho haasati apedza kugadzirwa saka tichiri nedambudziko remvura inotikwanira,” VaMukungatu vanodaro.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaPassmore Nyakureba, veZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti hazvina kunaka kuti vanosvibisa mvura varegwe vakadaro vachingoenderera mberi nekuita uku, asi kuti vanosungirwa kurangwa pasi pemutemo kuti vasiye tsika iyi.

“Nyaya ye pollution yemuna Sakubva iyi pane mutemo unoti ano polluta ndiye anobhadhara, the polluter pays principle. Ndiwo mutemo unofanirwa kuteedzerwa neEMA ine basa reku-enforcer ma-environmental issues.

"Saka EMA inofanira kumeka shuwa kuti vanhu vari ku polluta rwizi zvinozokanganisa mvura inozoshandiswa nevari downstream vanofanira kunge vachibatwa ne-EMA vachibhadhariswa mafainzi anokodzera kuti vasarambe vachi polluta nzizi idzodzo, kunyanya Sakubva River nekuti zvinokanganisa utano hwevanhu nezvipfuyo zvavo kunyanya zvakaita kunana Dora uko.”

Amai Alice Rutsvara vanoshanda nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvakatikomberedza, reEnvironmental Management Agency, EMA, vachiona nezvedzidziso uye kubudiswa kwemashoko kubazi iri.

Amai Rutsvara vanoti vanoshushikana nekusvibiswa kuri kugaroitwa munarwizi Sakubva uye vari kuita chenjedzo yekuti izvi zviregwe pamwe nekuyambira vari kusvibisa mvura kuti vanoripiswa.

Vamwe vanonzi vari kurarama nekutengesa hove dzemuna Sakubva.
Vamwe vanonzi vari kurarama nekutengesa hove dzemuna Sakubva.

“Bazi reEnvironmental Management Agency riri kusngana nekusvibiswa kwemvura muna Sakubva River. Kusvibiswa kwemvura iyi kuri kunyanya kukonzereswa nema burst sewer, uye nemamwe makambani kuNyakamete ari kudirira mvura yakasviba munharaunda.

"Zvakadaro, EMA yakatora matanho ekuramba ichiongorora makambani aya uye kushanda nekanzuru yeguta reMutare kuvhara ma-leakages muguta nekushanda nenguva kugadzirisa nyaya dzema burst sewer pipes.

"Izvi zvese zviri maringe nemutemo wedu we Statutory Instrument Number 6(Six) wa2007. Ongororo imwe inoratidza kuti nzira dzinofamba ne-sewage dzava nemakore dzagarisa zvekuti hadzichakwanisi kutakura sewage yose iri kubva mudzimba nekukura kuri kuita guta redu, vagari vanokurudzirwa zvakare kumhan’gara pose pane burst sewer kukanzuru yedu.”

Vagarai vanonzi vari kunwa mvura isina kuchena mumaguta akawanda emunyika.
Vagarai vanonzi vari kunwa mvura isina kuchena mumaguta akawanda emunyika.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weguta reMutare, VaCharles Sadondo, vanoti seguta vari kuedza napose pavanogona napo kuderedza nyaya dzekusvibiswa kwenharaunda, kusanganisira nzizi sezvinotarisirwa.

“Tatsvaga muma centres edu matinosigamuchira zvichemo zvakafanana neizvi asi hapana chichemo chatawana. Asi tinowanzokurudzira vagari nevamwe vakapoteredza guta kuti kana vachinge vasangana nenyaya dzakadai idzi vaise report kuma-offices edu kwakasiyanasiyana kana kushandisa platform yedu yeCity of Mutare Whattsapp pa0775 792 461 kuti tikwanise kugadzirisa matambudziko akafanana naiwaya,” VaSadondo vanodaro.

Dambudziko rekusvibiswa kwenzizi rinonzi nevakawanda harisi rekuDorapindo chete asi kuti nzizi dzinodarika nemumaguta nemumadhorobha akawanda emunyika dziri kusvibiswa zvakanyanya nevagari, makambani pamwe nemakanzuru izvo zvinosiira dambudziko rezvehutano kune vagere zasi kwenzizi idzi.

Vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevanomirira vagari vanoti kudzamara mapazi ehurumende atora matanho akakodzera ekuona mafambisirwo ari kuitwa mabasa nemakanzuru uye nevemakambani pakuderedza kuzvibiswa kwemvura nenharaunda, vagari vakawanda munyika kusanganisira vekuDorapindo, vacharamba vakatarisana nematambudziko ekushandisa mvura yakasviba.

Forum

XS
SM
MD
LG