Vagari vemaMutare nhasi vaudza kanzuru yavo ichangosarudzwa kuti vane zvinhu zvakawanda zvavari kuda kuti zvigadziriswe. Izvi zvabuda pamusangano waitwa nekanzuru nevagari paMutare Hall.
Zvabuda pamusangano wanhasi zvinoratidza kuti vanhu vanoda kuti pagadzirwe migwagwa, mvura yakachena nekutakurwa kwemarara. Asi kugadzirisa zvinhu izvi patenderanwa kuti panoda kuti mitero iwedzerwe nezvikamu zvishanu kubva muzana kana kuti 5% asi zvichiitwa pashoma nepashoma.
Mumwe vevagari vange ari pamusangano wekuongorora zvinodiwa kuitwa nebhajeti yeguta iri mugore rinouya ndiAmai Patience Arufesi avo vati dambudziko ririkusangana nevagari vekuOld Township Section kana kuti kumaOTS kune dzimba dzekanzuru nderekuti hakuchina chiremera.
Vati, “Isu kumaOTS tiri kushandisa toilet imwe chete, zvakare mudzimba dzatiri kugara tinokwanisa kuona zviri kuitwa nemuvakidzani nekuti dzava nenguva dzakatsemuka, hatizivi kuti toita sei nekuti mari tiri kubhadhara kukanzuru.”
Vatizve, “Tava nenguva tichitaura chichemo ichi asi tinongovimbiswa kuti tichagadzirisa asi hapana chiri kuitwa. Tinogeza takawanda muzvimbuzi zvevazhinji hapachina chiremera, dzimwe dzimba dzacho hadzina madoors”
Amai Chenai Muyambo vange vari pamusangano wanhasi vati nyaya yekushaya mvura yakachena ndiyo iri kuvashungurudza. Amai Muyambo vati, “Handizivi kuti kukanzuru mungaita seyi panyaya yemvura, pamwe kuti mapaipi awora here kana kuti chii, mvura iri kurasika zvakanyanya, hatizoruzi here chatinenge tabata.”
Vaenderera mberi vachiti, “ Mvura iri kurashika zvakanyanya apa tinoishaya zvakare apa maBills ozouya akakwira hameno kuti mungaita seyi.”
Nyaya yemigwagwa isina kumira zvakanaka yasimuidzwa na Amai Vimbai Soko. Vati, “Kutaurirana chokwadi maMutare hapachina chinonzi road, saka kufunga kwangu mukapihwa mari yedevolution haina kuwanda saka imboitai zvekuti maroads agadzirwe kuitira kuti motokari dzedu dzifambe zvakanaka.”
Mumwe mugari wemumusha weChikanga maMutare Muzvare Lucy Moyo vavanoti dambudziko repombi dzemasiweji dzinbvinza ravashaisa mufaro.
Muzvare Moyo, “Ndipo patiri kuona kuti paChikanga Primary School panotofamba nevashandi veKanzuru panogara panodhuuka sewage every month pasina chiri kuitwa zvichiisa vana vedu munjodzi yezvirwere.” Vatiwo, “But vashandi vekuHealth vanopfuura napo asi pasina chavari kuita muri kuvatambirisa mari mahara.”
Mugari wemusha weGimboki, Ambuya Bertha Sauti vanoti kanzuru inosungirwa kutakura marara nenguva. Ambuya Sauti vati, “Mabhini edu vanouya vachitora voenda nawo tosara tichishaya pekuisira marara saka handizivi kuti mungatibatsira here kuti tiwanirwe mabhini mozobatira pamari dzemiero dzedu.”
Amai Tsitsi Useya ndivo vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemubati wehomwe yeguta reMutare vanoti donzvo remusangano wanhasi range riri rekuti vagari vape muono wavo uye pfungwa dzavo pane zvavanoda kuti zvitange kuitwa nekanzuru yavo.
Amai Useya vati, “Tauya kwamuri kuti tione zvinoda kuitwa saka kwamuri tinobva taziva zvinoda kutangwa kuitwa sekuuya kwatauya kwamuri, pataurwa nyaya yemastreet lights nezvimwe saka zvichaitwa sekutaura kwamaita. Zvimwe zvamataura zvemigwagwa, dzimba maFlats, footbridges, misika, nekugadziriswa kwedzimba dzedu, uye ma-water meter zvinenge zviri muhurongwa pamwechete neHobhouse clinic.”
Mukuru anoona nezvemigwagwa muguta reMutare Engineer Daniel Nyirenda vanoti migwagwa yemuguta inoda kugadziriswa asi mari yacho hapana. Engineer Nyirenda vati, “Ichokwadi paNetwork yedu yemaroads kuti tingangoti tine maroads asi hatisisina maroads.”
Vaenderera mberi vachiti, “Life span yavo yapfuura anotoda kuitwa rehabilitate, pane zvatiri kuita kuvhara makomba hazvisi kuita panotoda kuti titange patsva, zvinoda zvakare kuonekwa kuti tinayo here mari yacho, tinawo maroads anotoda matsva mamwe anoda kutangiswa panyuwani. Aive maroads kare atove machannels ekufambisa mvura. Capacity yacho parizvino haipo.”
Musangano wanhasi wapindwa nevagari vanobva kunzvimbo dzakasiyana siyana dzemuguta dzinosanganisira Zimta Park, Dangamvura, Chikanga, Hobhouse, Greenside, Sakubva, Westlea, Florida nekumwe. Kanzuru ine hurongwa hwekuita misangano yakadai kusvika musi wa30 Kubvumbi.
Meya mutsva weguta Amai Sofia Rudo Gwasira havana kupinda mumusangano wanhasi sezvo vari kuita zvidzidzo zvekutanga basa pasi pebazi rezvematunhu.
Forum