Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanovhura Kambani yeGasi kwaMutare Vachiti Zvakaitika kuZambia Hazviitiki muZimbabwe


President Emmerson Mnangagwa.
President Emmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaparura zviri
pamutemo kuvhurwa kwekambani ichange ichigadzira mweya wekubatsira varwere kufema pamwe negasi richashandiswa mudzimba
nemumaindasitiri kwaMutare.

Vachitaura pavasvika kwaMutare, Mnangagwa vati hurongwa hwekuti pange paine kambani yakadai hwagara huripo asi kungoti kushayikwa kwemari ndiko kwange kwakamisa mabasa.

Vachitaura kuchitsama chevatsigiri vavo vange vauya kuzovatambira, VaMnangagwa vati vanofara kuti kambani yehurumende yeVerify Engineering inokwanisa kugadzira mweya unodiwa nevarwere zvikuru panguva ino yeCovid 19.

"Zvino takati Covid zvayauya iyi todini apa tinenge tichida Oxygen. Ndikati saka togadzira seyi oxygen iyi, ivo vakomana nevasikana vakati tipeyi mari tinoigadzira Oxygen yacho. Takatora mari tikavapa," vadaro VaMnangagwa.

VaMnangagwa vati kusimuka kwakaita kambani yemagasi iyi kunoratidza
hunyanzvi huri muvana veZimbabwe kana vachinge vawanirwa zvikwanisiro, sezvo basa iri rakaitwa nenguva pfupi kwazvo. Vati gasi richagadzirwa richakwanisa kushandiswa munyika uye kutengeswa zvakare kunze kwenyika.

"Within 18 months vakomana nevasikana ava vakakwanisa kubudisa plant
yekuita produce oxygen neimwe surplus yekutengesa kunze," VaMnangagwa vaudza vanhu vanga vaungana.

VaMnangagwa varumbidza vadzidzi vemunyika vakakwanisa kugadzira kambani yemagasi iyi vakati muzvikoro zvepamusoro muzere vanhu vane hunyanzvi.

Vachitaura pamusoro pezvakaitika kuZambia uko vaive mutungamiri wenyika iyi, VaEdgar Lungu, vakakundwa musarudzo yemutungamiri wenyika naVaHakainde Hichilemba, VaMnangagwa vati izvi hazviitiki muZimbabwe.

"Anenge arota zvakaitika Zambia zvayambuka kuuya kuno muka muhope ubike doro," vadaro VaMnangagwa.

Asi mutauriri weMDC Alliance mudunhu reManicaland, VaDavid Panganai,
vaudza Studio7 nhasi kuti muromo hauzarirwi nerwizi.

Mune imwewo nyaya, vari kupomerwa mhosva yekuroora nekuitisa pamuviri mwanasikana ane makore gumi nemana, mushakabvu Memory Machaya, VaHatirarami Momberume, avo vaizviti vanonzi Evans Momberume, havana kukwanisa kumiswa pamberi pedare nhasi sezvo pachiri kuitwa dzimwe ongororo dzekuona kuti ndivo here zvechokwadi baba vemwana akwazvarwa nemuchakabvu.

Muchuchisi mukuru wedunhu reMutare, VaTirivanhu Mutyasira, vaudza vatori venhau kuti VaMomberume vachamiswa pamberi pedare mangwana.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati mapurisa akasunga VaMomberume, uye munhu akashaya musi wa15 Chikunguru ndiAnna Machaya kwete Memory Machaya, sezvaitaurwa.

VaNyathi vati mapurisa ari kuda kusunga VaEdmore Machaya baba
vemuchakabvu nemudzimai wavo, Shy Mabika, nemhosva yekudziviridza
mapurisa kuita basa rawo nemazvo. Vaviri ava vanonzi vakanyebera
mapurisa paaiferefeta nyaya iyi.

VaNyathi vati munhu anonzi Memory Machaya mupenyu uye mwanasikana waVaErnest Machaya, vanova sekuru wemufi.

Vabereki vemuchakabvu vari kupomerwa zvakare mhosva yekuroodza
mwanasikana ari pasi pemakore anobvumidzwa nemutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG