Dare redzimhosva rekwaMutare ranyima mukana wekubvisa mari chibatiso murume akasungirwa mhosva yekuitisa pamuviri mwanasikana aive nemakore gumi nemana uyo akashaya mwedzi wapera panguva iyo aisununguka mwana wake kwaMafararikwa mudunhu reManicaland.
Pakashaya mwana uyu, ainge ava nemakore gumi nemashanu.
VaHatirarami Momberume, avo vanove nhengo yemapositori ekwaJohanne Marange, vapinda mudare nhasi vachipomerwa mhosva yekubata chibharo pamwe nekukonzeresa kufa kwaAnna Machaya.
Anna, uyo akawadzirwa nevabereki vake kuna VaMomberume, akafa mwedzi wapera apo aisununguka pamuviri panonzi akaitiswa naVaMomberume.
Asi mutongi wedare, Amai Lynne Mary Mungwari, vanyima VaMomberume mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekunge muchuchisi wenyaya iyi, VaTirivanhu Mutyasira, vapikisa vachiti musungwa haakodzeri kuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti atongwe achibva kumba sezvo akatarisana nemhosva hombe iyo yapfachukira muno munyika nekunze.
VaMutyasira vaudza dare kuti VaMomberume semunhu akatarisana nemhosva yakadai vangangotize munyika kana vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba, sezvo vanhu vakawanda vakatsamwa nekufa kwemwana uyu.
Gweta riri kumirira VaMomberume, VaBrian Majamanda, vaudza Studio 7 kuti musungwa acharamba ari muhusungwa kusvika musi wa 3 Gunyana apo achamiswa zvakare pamberi pedare nhasi.
"Tapinda mudare nhasi takamirira VaHatirarami Momberume avo vari kupomerwa mhosva yekurara nemwanasikana ari pasi pemakore anotenderwa kuti angabvuma kurara nemurume uye zvakare nemhosva yekunzi akakonzeresa kufa kwemwana uyu. Saka vapereki vemhosva vati mudare pane mukana wekuti mhosva idzi dzakaparwa saka vamuisa paremand zvichireva kuti ava mukati mehusungwa saka date raachadzoka kudare musi wa3 September 2021, saka isu semagweta tiri kuedza kumubatsirawo kuti tione kuti pangaita here mukana wekuti angatongwe achibva kumba," vadaro VaMajamanda.
VaMajamanda vati vachakamirira kunzwa zvakabuda muongororo dzakaitwa dzekuda kuburitsa pachena kana mwana akaberekwa uyu ari waVaMomberume zvechokwadi.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, mumashoko avo akabudiswa nezuro vakati mapurisa akasunga VaMomberume vane makore makumi maviri nematanhatu ekuberekwa, vachizivikanwa zvakare nerekuti Evans Momberume.
VaNyathi vakati akashaya musi wa15 Chikunguru ndiAnna Machaya kwete Memory Machaya, sezvaitaurwa, uye Memory mupenyu.
VaNyathi vakatiwo mapurisa ari kuda kusunga baba naamai vemufi, VaEdmore Machaya naAmai Shy Mabika, avo vanove mapositori ekwaJohanne Marange, nemhosva yekuvharidzira chokwadi chiri panyaya iyi. Vakatiwo vaviri ava vari kupomerwa zvakare mhosva yekuroodza mwanasikana ari pasi pemakore anobvumidzwa nemutemo kuti munhu aroorwe.
Sangano reFemale Student Network Trust riri kukurudzira kuumbwa kweboka reInter-Ministerial Taskforce kuti riongorore kupedzwa kwekuroodzwa kwevanasikana vasati vabvazera munyika.
Facebook Forum