Kanzura webato reCitizens Coalition for Change kwaMutare, Amai Monica Mukwada, avo vakasungwa nemapurisa neChitatu manheru vachipomerwa mhosva yekutyora mitemo yezvemafambisirwo esarudzo, vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vakwanise kutongwa vachibva kumba kwavo.
Amai Mukwada vamiswa pamberi pedare remutongi wedare ramejasitiriti, VaWellington Mukwengi, avo vavati vabvise zviuru gumi zvemadhora emunyika semari yechibatiso.
Muchuchisi, VaNyasha Chikuni, vaudza dare kuti Kanzura Mukwada, avo vakakunda musarudzo dzakaitwa nemusi weMugovera svondo rapera, vakabiridzira pamapepa eboka reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.
VaChikuni vanoti pamazuva asingachanyatsozivikanwa mugore ra2017, Amai Mukwada vakanyoresa semuvhoti vachishandisa kero yepanhamba 4106 muChikanga 2, munova muWard 13 kwaMutare.
Asi gore rino musi wa26 Ndira, Amai Mukwada vakazonyoresa mapepa avo neNomination Court kuti vanogara panhamba 442 Devonshire Farm kuWeirmouth makare maMutare vachimirira bato reCCC.
VaChikuni vanoti nekuita kwakadai Amai Mukwada vakapara mhosva.
Pavapa mutongo wavo VaMukwengi vati Amai Mukwada vaisafanira kuva
nechekuita nevafakazi panyaya iyi uye vanosungirwa kuramba vachigara
panhamba yemba yavapa kudare kuti ndipo pavanogara.
Gweta riri kumirira Amai Mukwada, VaChris Ndlovu, vanoti vanoona
kusungwa kwaAmai Mukwada nemapurisa sekusina musoro.
"Ma-allegations acho haana musoro anouyiswa nemapurisa ekuti
akanyoresa kuti anogara kuDevonshire farm dzokono voti haagare ipapo
saka we find it ridiculous!"
VaNdlovu vanoti nhasi kwange kuri kutanga kupinda kwenyaya mudare apo
pazopuhwa mukana wekuti vatongwe vachibva kumba.
"Havana kutongwa vangopihwa bail yekuti vakwanise kutongwa vachibva
kumba kwavo, iremand chete."
Vatsigiri veCCC vane chitsama vange vari mudare nhasi vachitsigira
kanzura wavo, uye vazoita mudeme mudeme kuti vakwanise kuunganidza
mari yechibatiso yange ichidiwa namabharani wedare nhasi.
Vachangobva kusarudzwa kuva mumiriri weChikanga-Dangamvura mudare reparamende, VaProsper Chapfiwa Mutseyami pamwe naSeneta Keresenziya Chabuka ndevamwe vevakuru vebato reCCC vange vari mudare nhasi zvakare vachipa rutsigiro rwavo kuna Amai Mukwada.
Amai Mukwada vakakunda VaJoseph Govo veZanu PF naVaZvikomborero
Majuru veMDC Alliance yaitungamirirwa nemutungamiri werimwe bato reMDC-T VaDouglas Mwonzora musarudzo idzi.
Facebook Forum