Accessibility links

Breaking News

Meya weMutare Ochemachema neKunonoka Kupiwa kweMari yeBudiriro


Meya veMutare VaBlessing Tandi
Meya veMutare VaBlessing Tandi

Meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi, vanoti vari kushushikana
nekusafambiswa zvakanaka kwemari inobva kuhurumende dzinopihwa
matunhu kuti ashandise mari iyi munyaya dzebudiriro.

VaTandi vataura mashoko aya neChipiri apo vanga vari kutura mashoko emamiriro akaita zvinhu muguta reMutare kuvagari vemuguta iri.

VaTandi vati hurumende iri kutadzisa guta kuita mabasa aro nenguva nekuda kwekuti mari iri kubva kunhurumende iri kuuya iri shoma zvakare ichinonoka kuuya.

VaTandi vati pamari yeDevolution yavaisungirwa kuwana gore rino, iyo inosvika mamiriyoni mazana maviri nemakumi matanhatu nemana, kana kuti $264 million, vakawana mamiriyoni makumi matatu nemana, kana kuti $34 million chete.

"Seguta tiri kusangana nedambudziko rekuti mari yakavimbiswa
nehurumende inouya isina kukwana kuti tikwanise kuzadzisa zvinodiwa
muguta medu. Saizvozvi takawana madhora mamiriyoni makumi matatu
nemaviri pachinzvimbo chemadhora mamiriyoni mazana maviri ane makumi matanhatu nemana. Chonetsa mari iyi inononoka kuuya yodyiwa
ne inflation saka zviri kutinetsa. Tinongoda kuti mari idzi dzingobuda
kahwani!"

VaTandi vati vari kukundikana kuita mamwe mabasa akaita sekugadzirisa migwagwa, kutsvaga vashandi vane hunyanzvi, kugadzirisa nyaya dzemvura yanetsa mumisha yeDangamvura neChikanga uye
neHobhous nepamusana pekushaya mari.

Vatiwo kusauya kwemari yeDevolution uku kuri kupa zvakare kuti vasakwanise kutenga midziyo imwe inodiwa pakuchengetedza marara zvakanaka nekutenga motokari dzemarara, motokari dzinotakura varwere pamwe nekugadzirisa zvimwe zvivakwa zvakaita sezvipatara zvekanzuru.

Mashoko aVaTandi atsigirwa nemumwe wavo mukuru wemakanzuru emaguta uye vari Meya weguta reGweru, VaJosiah Makombe, avo vange vari pachiitiko chanhasi.

VaMakombe vati guta ravo reGweru pamwe nemamwewo
akatarisana nedambudziko rimwe chete rekunonoka kuuya kwemari
dzekutongwa kwemumatunhu izvo vati zviri kukanganisa budiriro.

"Hongu kuGweru takatarisana nedambudziko rakadero uko takangowana
mamiriyoni emadhora anosvika makumi matanhatu pachinzvimbo chemariyoni zana nemakaumi matanhatu emadhora. Panyaya dzebudiriro yedu nyaya iyi ndiyo iri kusanganikwa kwose kumaguta uye nekumatunhu."

VaMakombe vati nguva zhinji pavanobvunza hurumende vanoudzwa kuti
mari yacho inenge isati yavepo.

"Kuhurumende tikabvunza zvinonzi yatapihwa ndiyo inenge imboripo imwe
yacho ichitsvagiwa asi tinokumbira kuhurumende kuti itipe mari nguva
iripo uye mari yakaenderana neinenge iri pamabhajeti emaguta kuitira
kuronga mabasa kuti zvisatinetse. Ma local authorities chichemo chawo
ndechekuti ma disbursement haasi kuuya early kuti tikwanise kufambisa
mabasa anenge akarongwa."

Gurukota redunhu reManicaland, Amai Nonkuthula Matsikenyere, vaudza Studio7 kuti vange vari mumusangano nokudaro havakwanise kutaura nesu pamusoro pemari dze devolution.

Gurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vange vasiri
kubatika parunharembozha rwavo kuti tinzwe zvizere pamusoro penyaya
iyi.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG