Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoendesa Mberi Zvakare Nyaya yeMurume Ari Kupomerwa Mhosva yeKuroora Mwana Mudiki


Brian Majamanda Gweta raVaMomberume.
Brian Majamanda Gweta raVaMomberume.

Dare redzimhosva rekwaMutare nhasi raramba zvakare kupa mukana
wekubvisa mari yechibatiso kumurume akasungirwa mhosva yekuitisa
pamuviri mwanasikana aive nemakore gumi nemashanu, Anna Machaya, uyo akashaya panguva iyo aisununguka mwana wake kwaMafararikwa mudunhu reManicaland.

Asi gweta riri kumirira murume uyu uyo anozivikanwa saVaHatirarami Momberume kana kuti VaEvans Momberume, VaBrian Majamanda vaisa chikumbiro chavo chekuti musungwa atongwe achibva kumba kwake kudare icho chichanzwikwa svondo rinouya kana mutongi Amai Lynne Mungwari vavepo.

VaMomberume, avo vane makore makumi maviri nematanhatu
ekuberekwa, inhengo yekereke yemapositori ekwaJohanne Marange. VaMomberume vari kupomerwa mhosva yekubata chibharo pamwe nekukonzeresa kufa kwaAnna Machaya.

Anna, uyo akawadzirwa nevabereki vake kuna VaMomberume, akafa mwedzi miviri yapfuura apo aisununguka pamuviri panonzi akaitiswa naVaMomberume.

Masvondo maviri apfuura gweta raVaMomberume, VaBrian Majamanda havana kuda kupikisa dare kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kwavo; asi nhasi vati vakaisa chichemo chekuti VaMbomberume vatongwe vachibva kumba musi wa30 Nyamavhuvhu icho chichapinda mudare.

Mutongi wedare, VaLangton Mukwengi ,vati chichemo ichi chinonzwikwa
chete nemutongi wenyaya iyi Amai Mungwari kana vavepo.

VaMomberume vakarambirwa mukana wekubvisa mari yechibatiso mushure mekunge muchuchisi wenyaya iyi, VaTirivanhu Mutyasira, vapikisa vachiti
musungwa haakodzeri kuti apihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti
atongwe achibva kumba sezvo akatarisana nemhosva hombe, zvinopa mukana wekuti anokwanisa kutiza kana kukanganisa humbowo nevafakazi.

Gweta ravo VaMajamanda, vaudza Studio 7 kuti chikumbiro chekubvisa mari
yechibatiso kudare chave kutarisirwa kuzeyiwa.

"Nhasi panyaya yaVaMomberume tadzokera kudare sezvo takange takanzi
tiuye for routine remand saka aitwa further remanded to 17 September
2021, saka regional court iri kuita nyaya iyi.

"isu takaisa bailapplication musi wa30 August saka maprosecutors akaitawo respond nezuro saka tangomirira kunzwa kwavari kuti vachatii nekuti hearing
yaida kuitwa nhasi yaregwa nekuti trial magistrate haapo saka
zvanzipamwe next week avepo we go ahead ne-hearing yacho."

VaMajamanda vati vachakamirira zvakare kunzwa zvichabuda muongororo
dzakaitwa dzekuda kuburitsa pachena kana mwana akaberekwa uyu ari
waVaMomberume zvechokwadi.

"Maresults aHatirarami Momberume even the little baby so far hatisati
tave nemaresults, ekuti zvakamira seyi kuti vakaoneyi asi in due
course tichange toziva kuti zvakamira seyi."

Gweta iri rinoti senguva dzose chikumbiro chavo chekubvisa mari
yechibatiso chikaraswa nedare repasi vanenge vokwidza nyaya iyi kudare
repamusoro reHigh Court, makare muno maMutare.

Mudare nhasi mange musina vanhu vakanyanya kuwanda zvichienzaniswa
nemusi wekutanga wakapinda nyaya yaVaMomberume maSvondo maviri
apfuura.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG