Accessibility links

Breaking News

Vagari vemaMutare Vonyunyuta neKukundikana kweKanzuru Yavo Kuita Basa Nemazvo


Vamwe vagari vemaMutare vari pamusangano wavaita nevakuru vekanzuru yavo.
Vamwe vagari vemaMutare vari pamusangano wavaita nevakuru vekanzuru yavo.

Vamwe vagari vemaMutare vanoti havazi kufara nekusaitwa basa zvakakwana nekanzuru yeguta iri, vachiti havana mvura yakachena yekushandisa zuva nezuva, kusatakurwa kwemarara uye migwagwa yakashata isingachafambiki nedzimotokari.

Vachitaura pamusangano waitwa nevakuru vekanzuru yeguta iri nhasi maMutare pamuzinda weQueens Hall, vagari ava vati vanosuwiswa zvikuru nekuti kanzuru iyi haisi kuita mabasa zvinovagutsa.

VaDavid Mutambirwa mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari reMutare Residents and Ratepayers Association.

VaMutambirwa vaudza Studio 7 nhasi kuti kanzuru iri kutora mari kuvanhu mwedzi wegawega asi haisi kuita mabasa ayo zvakafanira.

"Zvinotirwadza kuti sevagari hatina migwagwa yakanaka, yangove makomba ega ega, ukuwo vazhinji havana mvura mudzimba izvo zvinopa njodzi yekutapurirana zvirwere zvakaita sekorera, mudumbu kana manyoka."

VaDavid Mutambirwa veMutare Residents and Ratepayers Association
VaDavid Mutambirwa veMutare Residents and Ratepayers Association

Vamwewo vange vari pamusangano wanhasi ndiAmbuya Plaxedes Nyika vemumusha wePalmerstone maMutare. Ambuya ava vanochema nekusachengetedzeka kwavo sechirikadzi vachiti kanzuru haizi kucheka sora munharaunda izvo vanoti zvinopinza vagari munjodzi yemabhinya uye mbavha dzinowana pekuhwanda.

"Ini ndinogara ndoga saka nguva zhinji ndinotyakubuda panze nekuda kwemazisora akurisa nemiti irimunharaunda inopa pekuvanda kumakoronyera. Nharaunda hainamagetsi ekubatidza husiku zvinowedzera njodzi yekubirwa kana kupondwa kana huri husiku."

VaMunashe Makoni vanochemawo nenyaya yekushungurudzwa nemapurisa ekanzuru avanoti anowanza huwori achitorera nyangwe vakwegura vanonzi havabvisi mari yekupaka dzimotokari muguta.

"Zvinondinetsa kutimapurisa ekanzuru haanzwisisi hugari hwevanhu vakura uye vanoshungurudza vanhu vachida mari yechiwoko muhomwe. Tinotarisira kuti sevagari mapurisa ekanzuru adzidziswe kubata vagari mune zvakanaka."

VaPatrick Zhakata, avo vanorarama nehurema vachitaurawo pamusangano uyu, vati kanzuru haizi kugadzirisa nzvimbo dzinoshanyirwa nevazhinji kuti dzinge dzichipindwawo naivo nevamwe vakaita saivo vanoshandisa mahwiricheya.

"Vakuru vekanzuru tinotoona kuti ivo pamuzinda wavo hapana kugadzirwa nemutowowekuti pashanyirwe nevakaremara,zvimwechete nedzimwe nzvimbo muguta. Inova shuviro yedu kutinzvimbo dzose dzinge dzakavakwa kuti pasvikwe nemunhu wose."

Vagari vanoti vane dambudziko remvura.
Vagari vanoti vane dambudziko remvura.

VaTendai Mutero, vachipawo pfungwa dzavo vanoti nguva zhinji vekanzuru havachagadziri nzvimbo dzekuti vanhu vatandarire dzakaita senhandare kumisha inogara veruzhinji vachingogovera masitendi edzimba chete.

"Tiri kuona kuti nyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka dziri kuwanda munyika, asi izvi pamwe pacho nyaya idzi dziri kukwira nekuda kwekuti vanhu vakawanda kunyanya vechidiki havana kwekutandarira vachita mitambo yakasiyana siyana."

Vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvedzimba mukanzuru yeMutare, Amai Vimbai Sowa, vanoti nyaya yenzvimbo dzekutandarira iri pabhajeti yeguta yegore rino yekuvandudza dziripo uye kuvaka nekugadzira dzimwe kuitira kupedza matambudziko aya.

"Zvichemo zvenzvimbo dzekutandarira inyaya iri mudariro kukanzuru zvekuti gore rino ichange yakadziriswa. Zvakare nyaya yekucheka sora ichange yakadziriswa sezvo kanzuru yange isina vashandi vakaikwanira vekubata basa iri."

Mumwe mukuru kukanzuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa kumapurisa eguta iri, VaTakunda Nyamandi, vanoti kushungurudzwa kwevagari nemapurisa avo kunopera chete kana vachinge vamhan’ara uye vasiya tsika yekubvisa chioko muhomwe.

"Nyaya yechioko muhomwe inoparwa nevanhu vaviri zvichienda mberi saka kupedza zvakadai kungorega kuibhadhara mokwidza nyaya kuvakuru vekanzuru muine humbowo huzere kwotorwa matanho akakodzera."

Meya VaSimon Chabuka namabharani VaBlessing Chafesuka
Meya VaSimon Chabuka namabharani VaBlessing Chafesuka

Vakafanobata chigaro chamabharani weguta reMutare, VaBlesssing Chafesuka, vanoti kusatakurwa kwemarara munguva yapfuura yange iri nyaya yekushomeka kwedzimotokari dzinoita basa iri.

Vaenderera mberi vachiti kushomeka kwemvura kuvamwe vagari vemuguta inyaya yekuputika kuri kuitika kupombi dzave nenguva dzakachererwa idzo dzoda kutsiviwa neitsva.

Mune imwewo nyaya, vagari vachitaura pamusangano webazi rezvemitemo, kutongwa kwedzimhosva pamwe nemabasa eParamende, vakurudzira kuti pave nemutemo unotongera rufu vose vanenge vabata nemhosva yehuwori sezvo vachiurayawo nyika nevagari vayo nemabasa iwayo.

VeBazi iri vange vari muguta nhasi vachida kunzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemutongo werufu kune vanenge vabatwa nemhosva yekuuraya

Vamwewo vapa pfungwa dzavo pamusangano uyu vanoti deno mutongo werufu uyu ukabviswa vaponda vachitongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwose; vamwe vachiti deno pakave nemutemo wechivanhu wekungoripirana sezvaichiitwa makare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG