Accessibility links

Breaking News

Dare Ropindira Pakuvigwa kweMukuru weJohanne Marange Apostolic Church

Dare ramejasitiriti maMutare nhasi ramisa hurongwa hwekuda kuvigwa kwe vaimbove mutungamiriri wechechi yeJohane Marange Apostolic, VaNoah Taguta Momberume parutivi pevakavamba chechi iyi VaJohanne Marange.

Mwanakomana mukuru wevakavamba kereke yeJohane Marange VaClemence Momberume ndivo vakwidza nyaya iyi kudare vachipikisa zvaida kuitwa nemhuri yekwababamukuru wavo.

Gweta, VaPassmore Nyakureba vekuMaunga Maanda and Associates ndivo vange vakamirira VaClemence Momberume panyaya iyi nhasi.

Tingangoti muchidimbu mutongo wapihwa nhasi wechimbi-chimbi kana kuti unonzi ex- parte unopihwa rimwe divi risipo unoreva kuti vachange vachizochengeta mutumbi havakwanisi kumiviga mutumbi waNoah Taguta Momberume paimwe nzvimbozvisirimaringe netsika dzavo kanarudzi rwavo rwekaMutema, vane nzvimbo yavo yavakapinhwa yevanenge vachivigana semhuri yehumambo hwekwaMutema. “

Vaenderera mberi vachiti, “Saka paGomo iroro pane nzvimbo yakavigwa VaArnold Taguta Momberume vanova Baba vwemufi VaNoah Taguta, kwozoita imwe nzvimbo yakavigwawo vaJohane Muchabaya Momberume vanovawo Baba vaVaClemets Taguta Momberume vakwidza nyaya iyi kudare vachitsvaga mutongo wekumiswa kuvigwa kwaVaNoah Taguta kunzvimbo yakavigwa Baba vavo.”

Mugomo reMafararikwa mune nzvimbo nhatu dzinovigwa vatenderi vekere iyi. Imwe iri pasi pasi inovigwa chero vatendi asi imwe iri pamusoro inoradzikwa mhuri yevakavamba kereke VaJohanne Marange imwe ichivigwa mhuri yaVaMutumwa Noah Taguta Momberume vakashaya ava.

VaTaguta avo vakashaya nemusi weSvondo, mwana wemukoma wevakavamba chechi yavange votungamirira. Mhuri yemufi yange ichida kuti vavigwe pamwechete nemunin’ina waBaba wavo.

Baba vemufi vakavigwawo kune imwe nzvimbo asi mugomo rimwechetero rinoonekwa serinoyera nevateveri vechechi iyi. Saka kwakavigwa Baba VaMutumwa Noah Taguta ndikowo kunotarisirwa kuti ivo vavigwewo.richipa mutongo waro nhasi mumachemba rinoti vaviri vanoti VaTitos naSaratiel Taguta vasave nechekuita pakuda kutara guva panzvimbo yakavigwa vakavamba chechi yeJohane Marange, asi kuti vatsvage imwe nzvimbo kubva nhasi kusvika musi wa29 Kubvumbi.

VaArnold Taguta Momberume naVaJohane Muchabaya Momberume vange vari madzikoma.

Zvichakadai hazvisati zvozivikanwa kuti mushakabvu achavigwa riini. Asi kunyangwe dare range richipa mutongo uyu, pane mashoko ekuti Mutumwa Noah Taguta Momberume vange vachitoradzikwa panzvimbo yarambidzwa nedare. VaNyakureba vati vazviverenga mumapepanhau uye vari kuferefeta nyaya iyi vasati vatora matanho.

Muneimwewo nyaya kanzura Monica Mukwada weWard 13 kuChikanga avo vakasungwa masvondo maviri apfuura vachipomerwa mhosva yekunzi vakatyora mutemo wezvekufambiswa kwesarudzo pakupa sangano reZEC kero yepamba pasiri pavakange vakambonyoresa kare pakuvhota vanzi vadzoke zvakare kudare mwedzi unouya musi wa24.

Kanzura Mukwada vari kutongwa vachibva kumba kwavo mushure mekunge vabvisa mari yechibatiso inoita madhora zviuru gumi emuZimbabwe.

Dare ramejasitiriti maMutare nhasi ramisa hurongwa hwekuda kuvigwa kwe vaimbove mutungamiriri wechechi yeJohane Marange Apostolic, VaNoah Taguta Momberume parutivi pevakavamba sangano iri, VaJohane Muchabaya Momberume mugomo reMafararikwa Shrine kwaMarange.

Dare rambomisa kuvigwa kwaVaNoah Taguta parutivi pevakatanga sangano iri sezvo ivo vaine imwe nzvimbo yavagadzirirwa yekumhuri yekwavo.

Mwanakomana mukuru wevakavamba kereke yeJohane Marange VaClemence Momberume ndivo vakwidza nyaya iyi kudare vachipikisa zvaida kuitwa nemhuri yekwaBabamukuru wavo.

Gweta VaPassmore Nyakureba vekuMaunga Maanda and Associates ndivo vange vakamirira VaClemence Momberume panyaya iyi nhasi.

"Tingangoti muchidimbu mutongo wapihwa nhasi wechimbi-chimbi kana kuti unonzi ex- parte unopihwa rimwe divi risipo unoreva kuti vachange vachizochengeta mutumbi havakwanisi kumiviga mutumbi waNoah Taguta Momberume paimwe nzvimbozvisirimaringe netsika dzavo kanarudzi rwavo rwekaMutema, vane nzvimbo yavo yavakapinhwa yevanenge vachivigana semhuri yehumambo hwekwaMutema. “

Vaenderera mberi vachiti, “Saka paGomo iroro pane nzvimbo yakavigwa VaArnold Taguta Momberume vanova Baba vwemufi VaNoah Taguta, kwozoita imwe nzvimbo yakavigwawo vaJohane Muchabaya Momberume vanovawo Baba vaVaClemets Taguta Momberume vakwidza nyaya iyi kudare vachitsvaga mutongo wekumiswa kuvigwa kwaVaNoah Taguta kunzvimbo yakavigwa Baba vavo.”

Mugomo reMafararikwa mune nzvimbo nhatu dzinovigwa vatenderi vekere iyi. Imwe iri pasi pasi inovigwa chero vatendi asi imwe iri pamusoro inoradzikwa mhuri yevakavamba kereke VaJohanne Marange imwe ichivigwa mhuri yaVaMutumwa Noah Taguta Momberume vakashaya ava.

VaTaguta avo vakashaya nemusi weSvondo, mwana wemukoma wevakavamba chechi yavange votungamirira. Mhuri yemufi yange ichida kuti vavigwe pamwechete nemunin’ina waBaba wavo.

Baba vemufi vakavigwawo kune imwe nzvimbo asi mugomo rimwechetero rinoonekwa serinoyera nevateveri vechechi iyi. Saka kwakavigwa Baba VaMutumwa Noah Taguta ndikowo kunotarisirwa kuti ivo vavigwewo.

Dare richipa mutongo waro nhasi mumachemba rinoti vaviri vanoti VaTitos naSaratiel Taguta vasave nechekuita pakuda kutara guva panzvimbo yakavigwa vakavamba chechi yeJohane Marange, asi kuti vatsvage imwe nzvimbo kubva nhasi kusvika musi wa29 Kubvumbi.

VaArnold Taguta Momberume naVaJohane Muchabaya Momberume vange vari madzikoma.

Zvichakadai hazvisati zvozivikanwa kuti mushakabvu achavigwa riini. Asi kunyangwe dare range richipa mutongo uyu, pane mashoko ekuti Mutumwa Noah Taguta Momberume vange vachitoradzikwa panzvimbo yarambidzwa nedare. VaNyakureba vati vazviverenga mumapepanhau uye vari kuferefeta nyaya iyi vasati vatora matanho.

Muneimwewo nyaya kanzura Monica Mukwada weWard 13 kuChikanga avo vakasungwa masvondo maviri apfuura vachipomerwa mhosva yekunzi vakatyora mutemo wezvekufambiswa kwesarudzo pakupa sangano reZEC kero yepamba pasiri pavakange vakambonyoresa kare pakuvhota vanzi vadzoke zvakare kudare mwedzi unouya musi wa24.

Kanzura Mukwada vari kutongwa vachibva kumba kwavo mushure mekunge vabvisa mari yechibatiso inoita madhora zviuru gumi emuZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG