Bazi rezvemari kuburikidza nemutemo wechimbi chimbi kana kuti Statutory Instrument 68A ya2022 razivisa nezvemari itsva iri kutsikiswa yezana remadhora emunyika.
Mari iyi inenge iine mufananidzo weRBZ une matombo matatu akaturikidzana, shiri iri pamureza weZimbabwe inonzi hungwe, Masvingo eGreat Zimbabwe uye muti wemuonde.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vati zvaitwa nehurumende hazvina zvakawanda zvazvinobatsira nekuti mari yacho haina chainotenga.
Vati ikachinjwa nemunhu pamusika wekoto anenge ari masendi makumi matanhatu nemasere chete kana kuti $.0.30 isingakwane kutenga kana chingwa.
Mashoko aya atsinhirwa nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paAfrica University VaFreeman Bosso vati haina zvainobatsira vanhu vemunyika parizvino vachiti zvinobatsira vari kuidhinda havo chete vapihwa basa iri.
Asi mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenfprd Mutashu vati vatambira zvaitwa nehurumende izvi vachiti zvichabatsira voruzhinji vange vonetseka nekushaya simba kwedhora remuZimbabwe.
Mumwe muzvinabhizimisi muguta reMutare vaVaRodrick Kanganwai vanogadzira shangu vati kuvepo kwemari itsva iyi kwakanakira kuti zvinorerutsa mari inotakurwa nevanhu.
Mumwe mugari wekwaMutare Muzvare Magret Chinota vanoti mari itsva yakanaka kunyangwe kuchizova nedambudziko rekukwira kwemitengo.
Parizvino munyika mune mari yebepa inotangira pamadhora maviri, mashanu, gumi, makumi maviri kusvika pamadhora makumi mashanu. Asi mariyemadhora maviri, mashanu, gumi, nemakumi maviri haichawanikwi uye haina chaichatenga.
Facebook Forum