Mhuri dzinosvika gumi nembiri dzicharamba dzichigara panze nevana vacheche mushure mekunge chikumbiro chadzo chekuti kuburitswa kwadzo mudzimba dzekanzuru yeMutare kumbosendekwa parutivi.
Madzimai aya akataura nemusi weSvondo pakupera kwemazuva manomwe ekucherechedza tsika nemagariro evanhu kana kuti Cultural Week.
Kereke yeAnglican Church mudunhu reManicaland yaita chibvumirano nekambani yeEconet, yeCassava, icho chichasimudzira magariro evanhu munzvimbo dzinoshandira chechi iyi mudunhu iri.
Sangano rinoona nezvekuronga mhuri reZimbabwe National Family Planning Council rinoti dunhu reManicaland ndiro rine varume vakawanda vari kuzvipira kutevedzera nzira yekuronga mhuri yevanhurume kana kuti vasectomy inoita kuti vasazokwanisa kuzvarisa.
Mukuru weZNFPC mudunhu reManicaland, VaDyson Masvingise, vakati danho rakatorwa nesangano ravo rakanangana nekuti pave nechenjedzo kune veruzhinji maringe nenyaya dzepabonde kunyanya kune vechidiki vangave kumaruwa kana mumaguta.
Sangano revacheri vezviwanikwa zvakakosha, reZimbabwe Miners’ Federation, ZMF, rakabatsira vakaremara mudunhu reManicaland nemuchina unoshandiswa pakuchera goridhe.
VaMapipi Mawokomatanda, avo vakashaya vave nemakore 81ekuberekwa, varumbidzwa nevakawanda nekuda kwemabasa avo etsiye nyoro avaiita panguva yavaiva kuno kuZimbabwe uye nepavange vave kumhiri kwemakungwa kuAmerica.
Musangano wakarongwa nesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reJust Associates kana kuti JASS kwaMutare uri kuburitsa pachena kuti madzimai akawanda munyika ari kutyorerwa kodzero dzavo mudzimba uye kumabasa.
Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo inoti hurumende inofanirwa kurerutsa matambudziko akatarisana nevarairidzi kuburikidza nekuti vana vavo vadzidze pachena muzvikoro zvehurumende pamwe nekuwanira varairidzi ava dzimba dzakanaka dzekugara.
Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro kune vana vasiri kunyora bvunzo uye kune dzimwe nzvimbo zvinhu zvange zvakaita manyama amire nerongo sezvo vamwe vabereki vange voita chipatapata nhaka yemakonzo kutsvagira vana nzvimbo vamwe vototanga kudzidza.
Mumwe wevakoti vari kutungamirira chirongwa chekubaya vanhu nhomba yeCovid 19, Amai Otillia Mukuchira, vanoti hurongwa hwavo huri kufamba zvakanaka kwazvo sezvo vanhu vari kuuya nehuwandu.
Meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi, vaudza Studio7 kuti kanzuru yavo yakagara pasi ikabvumirana kuti ideredze mimwe mitero nekuda kwekuchema chema kwakaitwa nevagari.
Vamwe vagari vedunhu reManicaland vakawanda vanoti vari kutarisira zvizhinji munyaya dzebudiriro kubva kugurukota richangobva mukutoreswa mhiko kuti rimirire nzvimbo iyi, Amai Nonkuthula Matsikenyere, avo vakatsiva Amai Ellen Gwaradzimba vakashaya nechirwere cheCovid-19.
Zimbabwe iri kuchema magamba maviri ehondo yerusununguko, anoti gurukota reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba, nenhengo yeZanu PF Central Committee, VaMorton Malianga, avo vashaya muHarare mushure mekubatwa nechirwere cheCovid-19.
Pane mhuri dziri kuda rubatsiro dzinosvika makumi manomwe nesere dzakagariswa pachikoro cheMutambara Mission mushure mekutamiswa nehurumende sedanho rekudzichengetedza kubva kumafashamu eCyclone Chalane.
Vanhu Vakawanda vanoti gore rino hapana zvakawanda zvichaita kuti vapembere sezvo vanhu vakawanda vakarasikirwa nemabasa nepamusana pedambudziko rechirwere cheCovid-19.
Sarudzo dzemusangano weZanu PF kuno kuManicaland dzekutsvaga vachange vari nhengo dzeDistrict Coordinating Committee, DCC, dziri kunetsa kubatanidza nekuda kwekushomeka kwemapepa ekuvhotesa, ayo anonzi mashoma.
Vamwe vagari vekuPenhalonga mumusha weTsvingwe, kuOld West muMutasa South mudunhu reManicaland vari kuchema-chema nenyaya yekusvibisirwa mweya wavanofema zvichitevera mabasa ekucherwa kwegoridhe ari kuitwa kunharaunda iyi zviri kunze kwemutemo nemakorokoza.
Bazi rezvehutano rabuda nehwaro hutsva hwemashandiro achaita bazi iri kwemakore matatu anotevera paine chinangwa chekupedza matambudziko ebazi iri anosanganisira kushayikwa kwemishonga, kuramwa mabasa kwevashandi pamwe nekugadzirisa zvivakwa.
Vamwe vagari vekwaMutare vari kunyunyuta nemitero yavari kunzi vabhadhare nekanzuru yeguta iri iyo vanoti yakawandisa apo vazhinji vasiri kuenda kumabasa.
Rodhai zvimwe