Accessibility links

Breaking News

Mhuri Dzaimboshandira Kanzuru yeGuta reMutare Dzodzingwa Kubva Mudzimba dzeKanzuru


Mhuri dzinosvika gumi nembiri dzicharamba dzichigara panze nevana vacheche mushure mekunge chikumbiro chadzo chekuti kuburitswa kwadzo mudzimba dzekanzuru yeMutare kumbosendekwa parutivi uyezve chimwe chikumbiro chekuti dzitengeserwe dzimba dzekanzuru dzadzaimbogara dzichiri kushandira kanzuru charaswa zvekare nedare repamusoro reHigh Court svondo rapera.

Amai Getrude Maninji mumwe wevari kugara pamhene mushure mekudzingwa mudzimba dzekanzuru idzi pakashaya murume wavo.

Amai Maninji vanoti murume wavo akange ave nenguva refu achishandira kanzuru kuFirevi rekudzimura moto, kana kuti Fire Brigade, asati azoshaya mugore ra2005. Vanoti vakazodzingwa mudzimba dzekanzuru nevamwe mugore ra2017; uye kusvika pari zvino vachingori pachena vachirohwa nechando kunyangwe nyaya yavo ichiri kumatare uko vari kutarisira kuti vangawane rubatsiro.

Amai Maninji vanoti murume wavo akatanga kushanda kuFire Brigade kubva 1964, vachiti kodzero dzavo dziri kutyorwa sezvo vane vana vari kuenda kuchikoro vari kurohwa nechando.

Vanoti nyaya yavo yakaendeswa kuMasvingo uko vanoti kurikuvatorera mari yakawanda kueda nguva dzose dzavanodiwa.

Amai Susan Hodhera vanoti vana vavo ndivo vari kushungurudzika zvakanyanya sezvo vasina kwekuswera kunze kwepazvitangwena zvavari kugara, zvakare havana kwekuzvibatsira nekuda kwekuti pavari hapana zvimbuzi.

Mhuri idzi dziri kuti nekuomerwa kwadzakaitwa nehupenyu uye nemari yonetsa dzave kutarisira kuti dzingatobatsirwa nemagweta anorwira kodzero dzevanhu kuti dzikwanise kumiririrwa nyaya yadzo iyi iyo yatora nguva.

Meya weguta reMutare, VaBlessing Tandi, vanoti nyaya yevaimbove vashandi vavo iri kumatare edzimhosva saka hapana zvakanyanya zvavangataure kunze kwekuti kana basa rapera vaimbove vashandi vanenge vasisina kodzero yekurambira mudzimba dzemushandirwi.

Gweta rinomirira kanzuru yeguta reMutare, VaDavid Tandiri, vanoti nyaya yevaimbove vashandi iyi vakaisvitsa kudare repamusoro reHigh Court kuMasvingo nekuda kwekuti muguta reMutare makange musati mave nedare repamusoro panguva iyoyo.

VaTandiri vaudza Studio 7 kuti chikumbiro chekuti mhuri dzimbomira kudzingwa mudzimba chakaraswa nedare repamusoro kuMasvingo uye chimwe chekuti vatengeserwe dzimba dzekanzuru dzavaimbogara chikaraswa zvakare nedare repamusoro kuHarare.

Zvichakadai, VaMujaho nevamwe vavo vari kutarisira kuwana rubatsiro kubva kune vane tsiye nyoro rwekuti vawanirwe pekugara pane mutsigo uye kuti vawane magweta anokwanisa kuvamirira pachena sezvo vapedza mari vachirwisana nekanzuru yeMutare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG