Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votaura Pamusoro peDutumupengo reChalane kuManicaland


Chalane
Chalane

Pane mhuri dziri kuda rubatsiro dzinosvika makumi manomwe nesere dzakagariswa pachikoro cheMutambara Mission mushure mekutamiswa nehurumende sedanho rekudzichengetedza kubva kumafashamu eCyclone Chalane.

Pane mhuri dziri kuda rubatsiro dzinosvika makumi manomwe nesere dzakagariswa pachikoro cheMutambara Mission mushure mekutamiswa nehurumende sedanho rekudzichengetedza kubva kumafashamu eCyclone Chalane.

Mhuri idzi dziri kugariswa mumakamuri epachikoro ichi varume nevakomana vachigara kwavo, ukuwo vanhukadzi vachigarawo kwavo.

Mumwe wevari paMutambara Mission, VaVitalis Mukwakwa, vanoti vaneta nekugara vakatamiswa.

VaMukwakwa vanoti vanoda kuti hurumende ikurumidze kuvapa pekugara pakanaka sekutaurwa kwazvakaitwa gore rapera pavakavimbiswa kuti vachavakirwa dzimba kuChinyamukwakwa nekuChayimiti.

"Tiri kuti deno kuti hurumende yatiwanira kwekuti tigare nekuti izvezvi hatichadi zvekuramba tichigara kuChimanimani hazvichaiti saka tichibva pano taitoshuvira kuti hurumende itiendese kumasitenzi edu nekuti kufunga kudzokera kumatende zvakare hazvichaiti nekuti abooka atsaruka saka tinofunga kuti vakatiendesa kumwe zvingatinakira," vadaro VaMukwakwa.

Mumwe mugari, VaMoses Dudzai vanoti vanofara nezvakaitwa nehurumende zvikupa dzidziso neyambiro kuvanhu paine nguva zvichienzaniswa nezvakaitika kumashure apo vakawirwa neCyclone Idai, kunyange hazvo pachine nyunyuto yekusavapo kwemba dzavakavimbiswa.

Mumwe mugari, VaKelvin Charamba vekuNgangu, vanoti pavakanzwa nezvenyaya yeChalane, havana kuva nepfungwa mbiri pamusoro pezvo nekuti vanoti chakachenjedza ndochakatanga.

"Ini ndotenda nehuchenjedzi hwe cyclone. Inini pandakonzwa nezvazvo ndakatora mhuri yangu handina kuita pfungwa mbiri nazvo saka ndofara kuti takararamiswa." vadaro VaCharamba,

Mukuru weCivil Protection Unit mudunhu reManicaland, VaEdgar Seenza, vanoti pari zvino zvinhu zvakamira zvakanaka mudunhu reManicaland panyaya dzekuchengetedzwa kwevanhu kubva kunjodzi yeCyclone Chalane nekuti vane nzvimbo dzakawanda dzekugarisa vanhu uye nezvekutakurisa vanoda kuendeswa kunzvimbo idzi.

Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze re Meteorological Services Department razivisa kuti hukasha hwe Chalane hwadzikira zvakanyanya kunyange hazvo dzimwe nzvimbo dzichange dziine mvura shoma iri kunaya, pamwe nemhepo ichange ichivhuvhuta.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG