Vamwe vagari vemuguta reMutare vari kunyunyuta nekushayikwa kwemvura yekushandisa mudzimba kwenguva yareba, vachiti vakuru veguta iri vari kuisa hupenyu hwavo munjodzi yezvirwere zvinotapuriranwa zvinokonzerwa nekushayikwa kwemvura.
Hurombo hwaunzwa nenyaya yekutadza kuzviitira mabasa emaoko uye kutonhora kuri kuita kunze kwave kupa kuti vagari vemaMutare vakawanda vatema miti iri mumasango ari pedyo neguta iri zvopa kuti vakawanda vatyire kuti richaguma raved gwenga.
Mamwe masangano anochengeta vakwegura, nherera uye vana vakaremara anoti ari panyanga dzamushore nekuda kwekuenderera kwenyaya yekuti vanhu vagare vari mudzimba dzavo mukuedza kudzivirirra kuparirira uye kutapurirana kwechirwere cheCOVID 19.
Gurukota rinoona nezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo vanoti hurumende ine hurongwa hwekurerutsa matambudziko ari kusangana nemakanzuru
Vamwe vemasangano emachechi nevemabhizimisi muManicaland varerutsira vanhu vakwegura, vakaremara uye vari mumajeri nekuvapa zvekudya nezvimwe zvekushandisa
Mumiriri weMutasa South mudare reparamende, uye vari nhengo yeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaRegai Tsunga, vasungwa nemapurisa pamwe nevamwe vavo vanopfuura gumi vachipomera mhosva yekugovera upfu zviri kunze kwemutemo.
Vanhu vakawanda maMutare vachiri kufamba famba kunyangwe hazvo svondo rapera gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Dr Ellen Gwaradzimba vakati vari kushushikana zvakanyanya nevanhu vasiri kuteerera kurudziro yekuti vagare mudzimba iri kupihwa nehurumende.
Vamwe vasingaoni vanorarama nekukumbira mari mumabhazi nemumigwagwa kwaRusape vanoti vari panguva yakaoma sezvo hurumende yakambomisa kufamba kwemabhazi aya senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCoronavirus.
Mapurisa ange achitenderera achipa yambiro kuvashoma vevanhu vange vari muguta av kuti vadzokere kudzimba kwavo kuita kuderedza kuparira kwechirwere checoronavirus.
Kwapera gore kubva zvakawirwa vanhu vekuManicaland neMasvingo nedambudziko redutumupengo remhepo nemafashamu emvura kana kuti cyclone Idai.
Komisheni inorwisana nehuwori munyika, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission, ZACC, inoti iri kutarisira kunge yave nemahofisi anoshanda mumatunhu matanhatu emunyika mukupera kwegore rino senzira yekuedza kurerutsa mashandiro ayo.
Nhengo dzeMDC mudunhu reManicaland dzakaratidza kusafara zvikuru nemafambisirwo anoitwa sarudzo dzemubato iri dzichiti pane kupindira kwakanyanya kuri kuitwa nehutungamiri hwebato iri izvo zviri kusvibisa moyo vakawanda.
Mumwe mugari wekuChimanimani, VaEnergy Chiripasi, vanoti chikafu chiri kunetsa kuwana sezvo vasina kukohwa zvakakwana uye hazvisi nyore kuwana rubatsiro kubva kumasangano ari kugovera chikafu.
Mumwe mugari wekuHobhouse Two, Amai Agnes Musabayana, vanoti nekushaikwa kwemvura munzvimbo yavanogara, madzimai ndiwo ari kuremerwa nemutoro sezvo vari ivo nguva zhinji vanonochera mvura kunzvimbo dziri kure dzinenge dzichiwanikwa mvura.
Apo gore rino ra2019 rosvika kwamvura yacheka makumbo, veruzhinji munyika zvikuru kuno kudunhu reManicaland, vari kuchema nenyaya yekuomerwa nehupenyu zvichikonzerwa kunyanya nekudhura kwezvinhu zvkawanda pamwechete nekushayikwa kwezvimwe.
Mutevedzeri wasachigaro wesangano reZHRC Amai Ellen Sithole vanoti pane zvikonzero zvakawanda zviri kupa kuti vanhu vasatore magwaro akakosha aya. Vatiwo nekuda kwekuti vamwe vanoona zviri nyore kungoyambuka muganhu vachipinda nekubuda muMozambique vasina magwaro. Asi vati pane zvimwe zvikonzero.
Amai Rose Smoko veRiverside kuMutare North vanoti vabereki vavo ndevekuMozambique asi ivo vakaberekerwa muno muZimbabwe. Nyaya ina Loirdham Moyo.
Amai Jesca Makwela mumwe wevanhu vange vari pamusangano wanhasi vachipa huchapupu hwekuti sei vasina mwagaro kuZHRC vanoti vabereki vavo vakashaya vasati vatoreswa gwaro rekuzvarwa izvo zvoavawo dambudziko kuvana vavo vapfumbamamwe. Nyaya ina Loirdham Moyo.
Mamwe madzimai anoti mapiritsi ekuronga mhuri avari kunwa ari kuvakonzeresa kutevera kwenguva yakareba inosvika masvondo matatu izvo zvave kuita kuti vatizwe nevarume.
Vanhu vasingaone nevamwe vane hurema hwakasiyana siyana vakawanda vanoti havasi kufara nekusiiwa kwavanoitwa munyaya dzkakosha sezvo zvinyorwa zviri kuburitswa munyika zvinenge zvisiri zve braille.
Rodhai zvimwe