Hurombo hwaunzwa nenyaya yekutadza kuzviitira mabasa emaoko uye kutonhora kuri kuita kunze kwave kupa kuti vagari vemaMutare vakawanda vatema miti iri mumasango ari pedyo neguta iri zvopa kuti vakawanda vatyire kuti richaguma raved gwenga.
Munhu achipinda mudunhu rose zvaro reManicaland anenge achitarisirwa kugamuchirwa nemasango dzimwe nguva kana nemhondoro chaidzo. Asi izvi zvinogona kunge ave maroto munguva pfupi inotevera kana vanhu vakaramba vachitema miti.
Chiitiko ichi chiri kushungurudza rimwe boka revechidiki reManicaland Youth Assembly, iro rinorwirwa kuchengetedzwa kwezviwanikwa kusanganisira iyo miti. Mukuru wesangano iri VaJusa Kudhedhereza vanoti nzvimbo dzakawanda hadzisisina miti.
Vamwe ndivo vave kuita basa rekutema miti vachitengesa huni nekushaya mabasa. Svinga rehuni riri kutengeswa nemari inosvika dhora rimwechere rekuAmerica kana kuti zana remadhora emunyika. Gasi rekushandisa mudzimba riri kutengwa nemari inoita dhora rimwechete rekuAmerica pakirogiranmu imwe chete.
Mumwe mugari wemaMutare Muzvare Agnes Matema anoti vave kutoshandisa huni nguva dzakawanda kunyangwe dziri kuvadhurira zvakare.
Studio 7 yayedza kutaura nemukuru wesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironmental Management Agency of Zimbabwe kana kuti EMA kuManicaland, VaKingstone Chitotombe asi vati titaure naVaPhilip Tom vekuFostery Commission. VaTom vanoti basa rekuchengetedza zviwanikwa kunyanya miti ibasa remunhu wose munyika.
Vanoti mapurisa eZimbabwe Republic Police anosungirwa kusunga chero munhu anowanikwa achitema miti zvisinatsarukano pasi pemutemo weForestry Act.
Kanzuru yeguta reMutare yakamisa vamwe vaiita basa rekuchengetedza masango, nzizi nezvakatikomberedza senzira yekuderedza huwandu hwevashandi vayo munguva ichangopfuura, ichiti vashandi vainge vakawandisa.
VeForestry Commission vanoti Manicaland inorasikirwa nemahekita anodarika zviuru makumi mana nemashanu kana kuti 45 000 hectares pagore nenyaya yekusachengetedza miti.
Kunze kwevanotema miti vachiita huni, vamwe varimi vefodya vari kunzvimbo dzakaita seMakoni neMutasa vari kutemawo miti yekuomesa fodya yavo. Vamwe vari kutemawo miti yakakosha ndevaye vanoveza zvinhu vari kutema miti yakaita semukamba uye munyii.
Nyanzvi munyaya dzemamiriro ekunze dzinoyambirawo kuti nyaya yekutema miti inokonzera matambudziko makukutu anosanganisira kusanaya zvakanaka kwemvura, mafashamu akaita seCyclone Idai uye kukukurwa kwevhu. Mhuka, shiri nezvimwe zvipuka zvinogara mumasango zvinoguma zvatsakatikawo kana kuguma zvopinda mumisha yevanhu.
Facebook Forum